Kuda Kuomesera veMabhizimisi Kunonzi Kuchapa Kuti Zvinhu Zvishaikwe Muzvitoro

Komisheni inoona nezvekodzero dzevatengi yeConsumer Protection Commission inoti ichatanga kubhadharisa vezvitoro vanonzi vari kudhurisa zvinhu mari dzakawanda dzemafaindi.

Komisheni iyi inoti vezvitoro ava havasi kudzikisa mitero kunyangwe iri kuti dhora remunyika radzikama.

Pamusika wemari wekumabhanga, dhora rekuAmerica rainge rotengwa nemari inodarika zviuru zvitanhatu nemazana mapfumbamwe kana kuti 6,900 zvemadhora emunyika svondo rapera range rave kutengwa nemadhora emunyika zviuru zvishanu nemazana maviri nemakumi mashanu nerimwe kana kuti 5, 251 ZWD.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kupomerawo vemabhizimisi mhosva yekudhurisa zvinhu vachiti vacharangwa.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoti zviri kuitwa nehurumende neConsumer Protection Commission zvichatopa kuti zvinhu zvishaikwe muzvitoro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Gift Mugano