Afrobarometer Inoti Vakawanda Vari Kuti Nyika Yatora Gwara Risiri Iro naVaMnangagwa

VaEmmerson Mnangagwa

Sangano reMass Public Opinion Institute rakabatana nereAFRO Barometer, nhasi rabuditsa zvakabuda muongororo yarakaita mumwedzi waKubvumbi naChivabvu, yemamiriro ezvinhu munyika, apo Zimbabwe yatarisana nesarudzo.

Zvimwe zvabuda muongororo iyi ndezvekuti ruzhinji rwevanhu rwuri kuchema-chema pamusoro pemamiriro ehupfumi hwenyika, uyewo kana kuri kuti sarudzo dzaitwa, VaEmmerson Mnangagwa, mutungamiri wenyika uye weZanu PF, vanogona kukunda VaNelson Chamisa veCCC, musarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika.

Sangano iri rinoti dai pakapera tsvakurudzo iyi munaChivabvu pakaitwa sarudzo, VaMnangagwa vaigona kuwana mavhoti zvikamu makumi matatu nemashanu kubva muzana kana kuti 35% i, kuchiti VaChamisa vaigona kuwanawo zvikamu makumi maviri nematanhatu kubva muzana kana kuti 26% zvemavhoti. Vanhu vanogona kusvika zvikamu makumi maviri nemanomwe kubva muzana kana kuti 27%, vanonzi havana kuda kutaura kuti vaizovhotera bato ripi.

Mutevedzeri wemukuru anoona nezvesarudzo mubato reCCC, Amai Ellen Shiriyedenga vanoti kunyange zvabuda muongororo iyi zvisiri kuvafadza, bato ravo richakunda musarudzo, sezvo paine vanhu vakawanda vasina kuda kutaura kuti vachavhotera ani kuti ave mutungamiri wenyika, sezvo vachitya kuitwa kafiramberi neZanu-PF

Asi sachigaro webato reZanu PF mudunhu reHarare, VaGoodwills Masimirembwa, vanoti bato ravo richakunda zvine mutsindo.

Nyanzvi inoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vanoti zvava pachena kuti sarudzo dzemutungamiri wenyika, dzichanyanya kukwikwidzwa nemabhiza maviri vanova VaMnangagwa naVaChamisa.

Vanhu vanosvika zvikamu makumi mashanu nemapfumbamwe kubva muzana kana kuti 59% vakabuda muongororo iyi vachiti vaitya mhirizhonga dzine chekuita nezvesarudzo, uye vangangodarika chikamu makumi mashanu kubva muzana 50% vakatarisira sarudzo dzegore rino.

Imwe nyanzvi inorwira kodzero dzevechidiki mune zvematongerwo enyika, VaMcLeo Mapfumo, vanoti zvabuditswa muongororo neMass Public Opionion Institute hazvienderani nezvirikutaurwa neruzhinji rweZimbabwe.

Ongororo iyi yaratidzawo kuti vanhu vanosvika zvikamu makumi matanhatu nemapfumbamwe kubva muzana kana kuti 69% munyika varibkuti hupfumi hwenyika hwakaomesesa, kuchitiwo makumi matanhatu nemashanu kubva muzana kana kuti 65% iri kuti nyika yakananga kumawere.

Nyazvi munyaya dzezvehupfumi ichishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara vanoti ongororo iyi yananga nemo-nemo kuti zvinhu zvakaita manyama amire nerongo munyaya dzezvehupfumi munyika.

Sangano reMass Public Opinion Institute, rinoti parakaita ongororo iyi, rakakurukura nevanhu zviuru zviviri zvine mazana mana (2400), kubva kumatunhu ose enyika, mumadhorobha nekumamisha.

Zvakabudawo pachena kuti vanhu vanosvika kana kudarika makumi matanhatu kubva muzana (62%) vakati vari kutambura zvakanyanya uye nyaya yemabasa ndiyo yainzi inoda kunyanya kugadziriswa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Tobias Mudzingwa