Vane Chirwere cheKushanduka Ganda cheVitiligo Vanoti Vakawanda Havachinzwisise

Vitiligo

Chirwere chevitiligo chinobata munhu mumwe chete kubva muzana kana kuti 1% pasi rose.

Chirwere ichi chinokonzera kuti ganda rishaye ruvara rwaro rite serakacheneruka uye zvinogona kuva zviri zvekuzvarwa nazvo kana kuti kuchinja nekuda kwezvinenge zvichiitika mumasoja emumiviri kana kuti immune system. Mishonga iripo parizvino inogona kupa kuti chirwere ichi chisakurumidze kupararira kunayngwe zvichinetsa kuchipedza kana munhu adarika makore makumi maviri nemaviri.

Mumwe ane denda iri ndi VaProper Zvoto vanodzidzisa paAlfred Beit School kuMabelreign muHarare. Vanoti vane hurongwa hwekuparura sangano rinobatsira vana vechikoro vane denda iri. VaZvoto vanoti kuti dambudziko ravo rakatanga vachiita sekunge vaive nemunyawiri mugore ra2010.

Vanotiwo amai nemudzimai wavo vakashushikana zvikuru pavakatanga kurwara. Nyanzvi munyaya dzezvehutano hweganda kana kuti dermatologist Dr Donald Mutangadura vanoti kunyangwe hazvo VaZvoto vachiratidza kunge munhu ari kurarama nehusope, zvirwere izvi zvakasiyana.

Dr Mutangadura vaendera mberi vachitsanangura mutsauko uri pakati pehusope nedenda reVitiligo.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Josephat Chiripanyanga vatsinhirawo vachiti vati kazhinji chirwere ichi chinotangira muzvigunwe chozopararia nemuviri wose.

Mumwe aive nemukurumbira aine chirwere chevitiligo, muimbi, mushakabvu Michael Jackson. Vamwe vakawanda vaiti muimbi uyu aishandisa mishonga kuti aite kunge muchena asi akazobuda pachena achiti ainge aine chirwere ichi.

Kunyangwe chirwere ichi chichinetsa kupedza, vanhu vari pakati pezvikamu gumi kubva muzana nemakumi maviri kubva muzana vanogona kupora asi ndokunge vakurumidza kuwana mishonga.

Chirwere ichi chinogona kukonzera chirwere chegomarara, kutadza kunyatsoona, kunzwa uye zvimwe zvirwere zvakaita sezveshuga.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Ropafadzo Mapimhidze