VaMutodi VoMhan'arirwa KuMapurisa neNyaya Yekuridzira VaTsigiri VeCCC Pfuti

VaEnergy Mutodi

Nhengo o yeCCC iri kukwikwidza musarudzo dzekuBikita South VaJohn Mupanduki vamhan’arira kumapurisa vaimbova mutevedzeri rezvekuburitswa kwemashoko VaEnergy Mutodi vachivapomera mhosva yekukonzera mhirizhonga nekuda kuvhiringidza musangano wavo svondo rapera.

Asi VaMutodi vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi vachiti, “Tashaya kuti zvinoreva chii vari kuda here kusvibisa zita reZanu PF kana kuti vari kuda kusvibisa zita rangu ini semunhu ari kuda kumirira nzvimbo kana kuti vari kuda kusvibisa sarudzo dzese, nekuti kwaive nerunyararo kusvika pavakatanga kutema motokari dzedu.”

Asi VaMapanduki vanoti VaMutodi nechikwata chavo vakayedza kuvhiringidza musangano wavo VaMutodi vasati varidza pfuti. Musangano uyu wainge wapihwa mvumo yekuitwa nemapurisa.

Zvichakadaro, sangano rinorwira kodzero dzevanhu rakazvimiririra reHeal Zimbabwe Trust rinoti mumwedzi wapera chete vatsigiri veTripple C makumi mana vakarohwa kana kumbunyikidzwa zvikuru nevesangano revasori vri kushanda pasi peFAZ, madzishe uye vakarwa hondo yerusungunuko.

Vanozviti mukuru weFAZ VaKudakwashe Munsaka vakaudza Studio 7 kuti havachadi kutaura nezvesangano iri sezvo vari kumbotsvaga rutsigiro kuBinga kuti vave nhengo yeparamende.

Mutauriri weZanu-PF VaChris Mutsvangwa vanoti bato ravo haridi zvemhirizhonga sezvinogara zvichitaurwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.