Kunyange vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira vari kukurudzira ruzhinji rweZimbabwe kuti rwusiyane nemhirizhonga, vechidiki vakawanda vari kuonekwa vachimbunyikidza nekutyisidzira vanhu vemunzvimbo dzakasiyana-siyana munyika.
KuHurungwe, Vaknowledge Chigoma, vari kuda kuita kanzura muWard 26 vakamirira bato reCitizens Coalition for Change, vanonzi vakarohwa nevaifungidzirwa kunzi vatsigiri veZanu PF. Kuchitiwo kuMasvingo, VaTinarwo Macheke, avo vakaremara, vakambotiza pamba pavo, mushure mekunzi vaida kuurayiwa nevanonzi vatsigiri veZanu PF sezvo ivo vari veCCC; zvimwechete nemumwe mudzidzisi webato iri kuMasvingo ikoko, VaChikomo Bishi, avo vakambogara mugomo, mushure mekuvimbiswa kurakashwa nevainzi vatsigiri veZanu PF.
Sachigaro wevechidiki muMDC-T, VaAlbert Chidhakwa, vanoti vechidiki vari kushandiswa nevakuru munyaya dzemhirizhonga. VaChidhakwa vati, “Nguva yega-yega yesarudzo, nyika yedu inobatwa nedhimoni remhirizhonga, kunyanya vechidiki."
Vaenderera mberi vachiti, " Asi vazhinji vacho dzinogona kunge dzisiri pfungwa dzavo, asi vachishandiswa nevakuruvakuru vemapato vanenge vachida kukunda musarudzo. Mashoko eruvengo anotaurwa nevakuru ivava, ndiwo mamwe anokonzeresa mhirizhonga. Kotiwo muSocial media chaimo, kune mhirizhonga dzinoitika nekuti vanhu vakasiyana vanogona kutanga kunyombana nekutukana, zvinokonzeresa kuti vamwe vasazogadzikane mupfungwa.”
Vakafanobata chigaro chemutauriri wevechidiki mubato reCitizens Coalition for Change, VaStephen Tshuma, vanoti bato riri kutonga reZanu PF, ndiro riri kukonzera mhirizhonga. VaTshuma vati, “Sevechidiki veCCC, tinoshushikana nekuwedzera kuri kuita mhirizhonga munyika. Bato riri kunyanya kuita izvi ndereZanu PF, vachishandisa mari yekuba, kupa vechidiki mari kuti vaite mhirizhonga."
Vatiwo, "Vechidiki vanozoitawo mhirizhonga nekuti varombo, uye havana mabasa, saka vanozopiwa twunzatu-twunzatu nevanoita zvematongerwo enyika. Isu sebato tiri kutevedzera zvinotaurwa nemutungamiri wedu VaChamisa kuti tikoshese runyararo, uye tivote zvine mutsindo kuti tibvise Zanu PF.”
Asi mutauriri wevechidiki muZanu PF kudunhu reBulawayo, VaAddington Mpofu, vanoramba kuti bato ravo riri kuita zvemhirizhonga, vachiti kutaura kuno, nyika ine runyararo. Vaudza Studio 7 kuti, “Pamatambudziko atiri kusangana nawo senyika, mhirizhonga hatingati iripo ipapo parizvino. Asi variko vanoda kuita kuti zviite sekuti mune vari kumbunyikidzwa munyika, nyamba vanhu vari kuzvitsvagira rutsigiro mune zvakanaka. Vanhu ava vapererwa nemazano, naizvozvo vave kuda kuita sekuti kune mhirizhonga, iko kusina.”
Murongi wezvirongwa musangano revechidiki reNational Association of Youth Organizations, VaMacDonald Munyoro, vanoti mhirizhonga inokonzeresa kudududza mune vechidiki vanenge vachida kupinda mune zvematongerwo enyika. VaMunyoro vati, “Kunyange vanhu vakasiyana maonero, havafaniri kuvengana kusvika pakukuvadzana."
Vaenderera mberi vachiti, " Mhirizhonga inoita kuti vamwe vanhu vatadze kuwana kodzero dzavo dzine chekuita nezvematongerwo enyika, nekuti vanenge vachitya. Zviri kwatiri sevechidiki kuti mukusiyana kwedu ikoko, timire pamwechete nekuti nhasi namangwana, tisu Zimbabwe yacho.”
Mukuru wesangano rinoshanda nevechidiki mukukurudzira runyararo, re 4-H Zimbabwe, VaJohn Muchenje, vanoti vanovimba kuti Zimbabwe inogona kuita sarudzo dzisina kurovana nekutyisidzirana gore rino. CaMuchenje vati, “Senyika, uye semapato ezvematongerwo enyika, tiri kuti ngatisiyei zvemhirizhonga." Vatizve, " Vakuru vedu pese pavanobuda, ngavabude vachiramba nyaya dzemhirizhonga munyika. Tikadaro tinokwanisa kuita sarudzo dzakachena mugore rino.”
Aka hakasi kekutanga mhirizhonga ichiitika muZimbabwe munguva yesarudzo. Mugore ra2008, vatsigiri zviuru nezviuru veMDC yaitungamirwa namushakabvu, Va Morgan Tsvangirai, vakakuvadzwa nekuparadzirwa dzimba, vamwe vakarasikirwa nehupenyu mumhirizhonga yakaitika musarudzo yemutungamiri wenyika yakadzokororwa mushure mekunge VaTsvangirai vanzi vainge vasina kukunda zvine mutsindo musarudzo yemutungamiri wenyika.
Dzimwe nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti vakuru vemapato ezvematongerwo enyika, vanofanira kurevesa mumashoko avo ekuti pasi nemhirizhonga, kwete kureva izvi nemuromo chete pamberi pemhomho dzevanhu, asi nerweseri vachikuchidzira kutyisidzirwa nekurohwa kwevanhu.