Hurumende Yoyambirwa Pamusoro peDanho Rayo reKumanikidza veZvitoro Kudzikisa Mitengo Pasina Kutanga paGarwa Pasi neMapoka Ose

  • Jonga Kandemiiri

Kunyange hazvo dhora remunyika riri kunzi ragadzikana, mitengo yzvinhu zvakawanda iri kuramba iri pamusoro.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti danho riri kutorwa nehurumende rekumanikidza vezitoro kudzikisa mitengo yezvinhu rinogona kutowedzera matambudziko akatarisana nenyika mune zvehupfumi.

Izvi zvinotevera mashoko akaburitswa nekomisheni inoona nezvekuchengetedzwa kwekodzero dzemutengi, yeConsumer Protection Commission, ekuyambira vezvitoro vanonzi havasi kudzikisa mitengo yezvinhu kuti ienderane nekugadzikana kunonzi kuri kuita dhora remunyika kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica, ichiti vachatorerwa matanho.

Komisheni iyi yakazivisa kuti kutanga svondo rino ichange ichiongorora kuona kuti mitengo yezvinhu iri kuenderana here nemutengo unenge uchitengwa nawo dhora rekuAmerica pamusika wemari, paine tarisiro yekuti vezvitoro vachaderedzawo mitengo yezvinhu kuti ifambirane nemutengo wedhora uyu.

Hurumende inoti dhora remunyika rave nehuremu.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi uye vari nyanzvi munyaya dzekudyidzana kwenyika dzepasi rose, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvinoshamisa chose kuti Consumer Protection Commission yave kutanga kuratidza mazino nhasi asi kukwira kwemitengo yezvinhu kwanga kuchingoitika nguva yose yadarika iyo yakapeta maoko.

"Hatizivi kuti vaimbovepi vachiona zvichiitika izvozvo. Zvinhu izvi zvekuti mabhizimusi haateereri huremu hweZimbabwe dollar kumusika wehurumende, ku auction floor, hazvina kutanga nhasi. Zvagara zviri chingoitika.

"Mabhizimusi achinge akatonyora exchange rate yawo pamadziro inenge ichioneka nemunhu wese. Saka ike zvino hatizivi kuti mangoromera achazowana bazi iri vanenge vaawanepi," vanodaro Muzvinafundi Masocha.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti zviri kuitika izvi zvinoratidza kuti hurumende haina kudzidza kubva mumatambudziko akambokonzerwa zvakare nenyaya yekupindira munyaya dzekutarwa kwemitengo yezvinhu muna 2007.

"Hachisi chinhu chitsva chiri kuitika ichi. Zvinhu zvakamboitwa. Muchayeuka kana tikadzoka kumashure muna 2007, muna June, zvakamboitwa zvakare zvekufamba mumakambani, vamwe vakambosungwa," vanotsinhira Doctor Kanyenze.

Mutengo wenyama unonzi wakakwirawo zvakanyanya.

Imwe zvakare nyanzvi mune zvewhupfumi uye vakambotungamira sangano re Confederation of Zimbabwe (CZI), Doctor Callisto Jokonya, vanoti zvinonetsa kuti vemabhizimusi vamanikidzwe kuderedza mitengo yezvitengeswa nekuti vanenge vakahodha zvinhi izvi dhora remunyika risati radzikama.

"Handifungi kuti zvinongoita nyore kuti dai zvadzikira musi iwoyo, musi wadonha dhora. Mari yakatengeswa pamusika wakapera yanga iri kuma 7000 ne 8000 (dollars). Saka zvinhu zvinenge zvakabhadharwa mari iyoyo haugoni kuzvidzikisa mutengo."

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi ndidzowo dziri kuti hapana kudzimaka kwaitika padhora remunyika nekuda kwekuti pari zvino hurumende haisi kudhinda mari itsva pamwe nekubhadhara vanoiitira mabasa, vachiti izvi zvakashanduka dhora remunyika rinorasa huremu zvakare zvinozosiya vezvitoro vave pamhene.

Saka zvingagadziriswa sei kuti pave nekugadzikana munyaya dzemitengo yezvinhu pamwe nekuti dhora remunyika. Doctor Kanyenze vanoti "Chakanaka ndechekuti pange paine kutaurira."

Hurumende iri kuti imitengo ngaidzikiswe.

Vamwe vanoongorora zvehupfumi vanoti matanho mazhinji ari kutorwa nehurumende akanangana nesarudzo, kwete kugadzirisa zvinhu kwenguva ndefu.

Mukupera kwesvondo rapera mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaudza musangano webato ravo reZanu PF wakaitirwa kuMagunje, mudunhu reMashonaland West, kuti kune vamwe vemabhizimusi vari kuviga zvinhu nekukwidza mitengo nechinangwa chekuti vanhu vapandukire hurumende yavo.

Kunze kwekunge hurumende yabvuma kuti zano ndega akasiya jira mumasese, vakawanda vanoti hupfumi hwenyika hucharamba huchiita sejuzu raTizira, rinoti uku riri kurukwa uku riri kududunurwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Jonga Kandemiiri