Ongororo yeEllite Africa Research Inoti VaChamisa Vari Kukunda VaMnangagwa Musarudzo

Zimbabwe Elections

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kana kuti CCC VaNelson Chamisa vanonzi ndivo vachakunda musarudzo dzemutungamiri wenyika nezvikamu zviri pakati pezvinomwe kubva muzana kana kuti 8% kusvika pazvikamu zvipfumbamwe kubva muzana kana kuti 9% kana Zimbabwe ikaita sarudzo dzakachena.

Ongororo iyi yakaitwa neElite Africa Research muna Chikumi yakaratidza kuti pavanhu zviuru zviviri vakabvunzwa, zvikamu zvinodarika makumi mana nemanomwe kana kuti 47,6% zvakati zvinotsigira VaChamisa.

Vamwe zvikamu zvinodarika zvitatu nezvisere kubva muzana kana kuti 38. 7% vakati vanotsigira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Ongororo iyi yakaratidzawo kuti vanhu vakawanda munyika vari kuti nyika pasi paVaMnangagwa yatora gwaro risiri iro. Vanhu vanodarika zvikamu makumi matanhatu nemapfumbamwe kana kuti 69,7% vari kuti nyika yatora gwara risiri iro. Vanoti zvinhu zviri mugwara pasi paVaMnangagwa zvikamu makumi maviri nemanomwe kana kuti 27,3%.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, vachishanda nesangano reZimbabwe Network for Social Justice VaTendai Reuben Mbofana vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti VaChamisa vakasasungwa mbira dzakondo sezvavari kuitwa nemapazi ehurumende vanokunda musarudzo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTendai Reuben Mbofana