Rimwe gweta raVaKasukuwere, Amai Jacqueline Sande, vaudza Studio 7 kuti vakwira kudare reConstitutional Court vachipikisa mutongo wapihwa nedare rinoona nezvemakakava emusarudzo reElectoral Court wekuvarambidza kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika.
Dare reElectoral Court, nhasi rapa mutongo wekuti VaKasukuwere, havakwanise kukwikwidza musarudzo yemutungamiriri wenyika sezvo vange vasiri kugara munyika kwemwedzi gumi nemisere yapfuura.
Dari iri rati, Zimbabwe Electoral Commission, (ZEC) haifaniri kuisa zita raVaKasukuwere pagwaro rekuvhotera mutungamiriri wenyika.
Mumutongo uyu waturwa naJustice Never Katiyo naJustice David Mangota. Izv zvinotevera chikumbiro chenhengo yeZanu PF, VaLovedale Mangwana, chekuti VaKasukuwere varambidzwe kukwikwidza sarudzo yemutungamiri wenyika.
VaMangota vati kutambirwa kwemapepa aVaKasakuwere nedare reNomination Court kwakatyora bumbiro remutemo wesarudzo. Izvi zvatsinhirwa negweta raVaMangwana, Advocate Lewis Uriri.
Vati, “Dare rati iro VaKasukuwere havafaniri kunge vari mumwe wevakwikwidz pasarudzo dzemusi wa23 Nyamavhuvhu nekuda kwechikonzero chekuti vange vari kunze kwenyika kwemwedzi inodarika gumi nemisere uye mutemo weZimbabwe unoti kana munhu ai kunze kwenyika kwenguva yakareba kudaro haachafanira kunge ari muVoters Roll, kana usiri paVoters Roll, hachakwanisa kunge uchikwikwidza pachigaro chemutungamiriri wenyika.”
Dare ratiwo VaKasukuwere, avo vaive mumwe wevanhu gumi nemumwe vakanyoresa kukwikwidza musarudzo dzemutungamiriri wenyika havafaniri kuzvitora semunhu achiri musarudzo nenzira ipi zvayo.
Vatiwo VaKasukuwere vari kudzoka munyika kuzorwisa kuti vakwikwidze musarudzo.
Vanoongororora nyaya dzematengerwo enyika vakazvimirira, VaRashweat Mukundu, vati vane dambudziko nemutongo weElectoral Court nekuti unoita sekuti pane vari kutya VaKasukuwere. VaMukundu vaudza Studio 7 kuti, “Zvine dambudziko nekuti zvinoita sekunge Zanu PF iri kutya VaKasukuwere."
Nyanzvi munyaya dzemutemo Advocate Abraham Mateta vaudza Studio 7 mutongo wapihwa nhasi hauna kuti tsvikiti panyaya dzemutemo. Vati, “Chakanyanya kukanganisika munyika yedu yeZimbabwe ndechekuti, kubvira muna Mbudzi 2017, takagara taregedza zvimwe zvinhu zvisiri izvo zvichiitika, semuenzaniso takabvumira kunzwa mauto achitiudza kuti vamwe vanhu vakange vakakomberedza VaMugabe vaive mbavha.
Vaenderera mberi vachiti, "Asi isu tinoziva kuti ibasa revatongi kutiudza kuti vapari vemhosva, mbavha ndivanani.”
VaVaKasukuwere vakabuda munyika muna 2017 zvichitevera kupidigurwa kwehurumende yevaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe nemauto.
Vakambodzoka munyika asi vakazobuda vave kuenda kuSouth Africs uko vave kugara.
Your browser doesn’t support HTML5