Mutungamiri weIran Ari Kushanya kuZimbabwe Mangwana Oshora VekuMawirira neKukurudzira Hungochani

Mutungamiri weIran VaEbrahim Raisi

Mutungamiri wenyika yeIran VaEbrahim Raisi vaita musangano nemutungamiri wenyika yeUganda VaYoweri Museveni vakashora zvikuru nyika dzekumawirira nekuda kutsigira nyaya dzehungochani. VaRaisi vari kushanyira nyika nhatu dzemuAfrica dzinoti Kenya, Uganda neZimbabwe.

VaRaisi vati nyaya yenyika dzekumawirira yekutsigira nyaya dzehungochani imwe nyaya inosvibisa munhoorondo yemararamiro evanhu. VaMuseveni vakadzika mumwe mutemo unoomesera zvakanyanya ngochani. Vanoita zvehungochani vanotongerwa rufu vakabatwa nemhosva.

Vasati vaenda kuUganda, VaRaisi vakaita musangano nemutungamiri wenyika yeKenya VaWilliam Ruto.

Kenya neIran zvanyorerana zvibvumirano zvekudyidzana zvishanu munyaya yezvehumhizha nehumhetura, kukurudzira kutengeserana, zvehove nezvipfuyo.

Iri irwendo rwekutanga mukati memakore gumi nerimwe mutungamiri weIran achishanyira Africa.

VaRaisi vari kutarisirwa kusvika muZimbabwe mangwana mavachaita musangano nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa. Mutauriri mubazi rezvekudyidzana nedzimwe VaLevit Mugejo vati kudyidzana kwenyika mbiri idzi kwakakosha uye kwave nemakore akawanda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLevit Mugejo

Asi nyanzi munyayadzezvematongerwo enyika VaJoy Mabenge vanoti havaone misangano pakati penyika mbiri dziri pasi pezvirango idzi uchinyanya kubatsira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJoy Mabenge

Hurumende yeAmerica inoti haina kutemera Zimbabwew zvirango senyika asi vatungamiri avnotonga nedemo.