Magweta ari kumiririra vaimbova gurukota rehurumende, VaSaviour Kasukuwere, anoti VaKasukuwere havasati vabviswa pagwaro rekuvhoterwa, kana kuti ballot paper, sezvo vari kupikisa mutongo wedare repamusoro wekuti havafanire kukwikwidza musarudzo nekuti vagarisa vari kunze kwenyika.
Asi nyaya yekurambidzwa nedare kukwikwidza kwaVaKasukuwere, vachinzi vakapfurikidza nguva inotarwa nemutemo wesarudzo weElectoral Act yemwedzi gumi nemisere vasiri munyika yasimudza mutauro mukuru vanhu vakawanda vachipa pfungwa dzavo.
Mumwe wevari kuchikwata chaVaKasukuwere, VaGodfrey Tsenengamu, vanoti hapana humbowo hunoratidza kuti VaKasukuwere vahanga vasiri munyika, asi kuti bato reZanu PF riri kutya kuti vanogona kutora mavhoti kune mutungamiri wenyika uye vari mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa.
VaTsenengamu vanoti musarudzo dzadarika dza2018 kune vamwe vakatenge vari kunze kwenyika vakadzoka kunokwikwidza asi havana kumbonetswa sezvave kuitwa VaKasukuwere nekuti Zanu PF yakaona kuti vakanga vasina basa.
Asi nhengo yeZanu PF, VaKennedy Mandaza vanoti mutemo uri pachena kuti anenge asiri munyika kwenguva yakatarwa haabvumidzwe kuvhota kana kuvhoterwa uye munhu wese anozviziva kuti Vakasukuwere havasi munyika kwenguva ndefu.
Vachitaurawo neStudio 7, mutauriri webato reZanu PF, VaChris Mutsvangwa, vakati havasi kuvhunduka VaKasukuwere uye vakatoyambira kuti vakapinda muZimbabwe vanokandwa mujeri sezvo vaine mhosva dzavakatiza munyika.
Havasi VaKasukuwere chete vanonzi vari kushungurudzwa. Bato re Triple C riri kuchemawo kuti misangano yayo iri kuvhiringidzwa nenhengo dzeZanu PF pamwe nekurambidzwa nemapurisa achishanda neZanu PF, kunyange hazvo mapurisa neZanu PF vari kuzviramba.
Your browser doesn’t support HTML5