Kushanya kwaMayweather kuZimbabwe Kwokonzera Mutauro

  • Michael Kariati

Floyd Mayweather Jnr

Kunyangwe padandemutande rake aimbova mutambio wetsiva Floyd "The Money Man" Mayweather Jnr wekuAmerica ari kuti auya kuZimbabwe pasi pehurongwa hunonzi "Motherland Tour" huchamuona achienda kuSouth Africa zvakare, kunosimudzira matambo wetsiva, vamwe vanoti vanhu vamukoka vakaita senhengo yeZanu-PF VaPedzisayi Scott Sakupwanya vari kumirira bato iri musarudzo dzenhengo dzedare reparamende hadzina kunyatsochena.

VaSakupwanya vakadomwa nenhepfenyuro yeAl Jazeera semumwe ari kuita huwori hunotyisa mukutengeswa kwegoridhe renyika kuDubai. Pavakatumirwa mubvunzo neStudio 7 nezvenyaya iyi havana kupindura.

Mayweather na Connor McGregor

Mashoko aya atsinhirwao nemukuru wesangano reCentre for Natural Resource VaFarai Maguwu. Vaudza Studio 7 kuti, “Kukokwa kwaMayweather naVaSakupwanya chinhu chinonyadzisa tichitarisa mari iri kushandiswa. Auya nendege yake kana kuti private jet, zvichionesa kuti pabuda mamiriyoni emadhora ekuAmerica kuti vauye kubva kuAmerica kusvika kuno.”

Vane ruzivo nemashandiro aMayweather vanoti kumudaidza chete kuti ataure anoda mari inosvika zviuru mazana mashanu zvekuAmerica kana kuti US$500,000

Mayweather

VaMaguwu vatiwo, “Tichitarisa ivo VaSakupwanya, nzvimbo yavari kumora goridhe, kuPenhalonga nekambani yavo yeBetta Brands, havana chimwe chete chavakaitira mucommunity imomo. Kana kutenga ambulance zvayo..migwagwa yako haifambike, hurombo huriko hunosiririsa. Kuti uchione munhu ari kupfuma nehupfumi hwenzvimbo iyoyo achimwaya mari yakawanda kudaro isina pundutso, zvinosiririsa.”

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vaudzawo Studio 7 kuti kuenda kwaMayweather kuZimbabwe kunokonzera mutauro sezvo vakuru venyika vachipomerwa mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu. Vati, “Ikozvino toziva kuti munyika hamuna muonera pamwe, vanhu vari kutyorerwa kodzero dzavo.” Vati, “VaMayweather vanozongobatwa mucross fire yekunetsana kuti munyika. Kuuya kwavo hakubatsire image yeZimbabwe neyavo.”

Mayweather asvika nenguva dza 8.30 mangwanani panhandare yendege yeRobert Mugabe International Airport apo abatana nevatambi vechikwata cheHwemanda Dance Troupe mukuimba nekutamba.

Asi asvika, Mayweather haana kupihwa nguva rakareba aine vatori venhau uyezve kutsanangura kuti afambirei kunze kwekuti ari kufara kushanya muAfrica.

Asi chashamisa ndechekuti hapana mutambi wetsiva kana nhengo imwechete yebhodhi rinotungamira tsiva reZimbabwe Boxing and Wrestling Control Board anga aripo pachiitiko ichi.

Akafanobata basa remukuru wekumahofisi ebhodhi retsiva iri Muzvare Priscilla Kadungure vanoti havanei nezvekuita nekushanya kwaMayweather asi kuti vanongove vakokwi munyaya iyi.

Muongorori wemutambo wetsiva VaGilbert Munetsi vanoti kungove muZimbabwe chete kwaMayweather kunobatsira kusimudzira tsiva munyika muno.