Dare reHigh Court Rinombomira Kutura Mutongo Waro paChikumbiro cheMutungamiri weUZA, Amai Valerio, Chekuti Vabvumidzwe kuKwikwidza

Mutungamiri weUnited Zimbabwe Alliance, Amai Elisabeth Valerio.

Dare rapamusoro reHigh Court nhasi ranzwa chikumbiro chemutungamiri webato rinopikisa reUnited Zimbabwe Alliance, UZA, Amai Elisabeth Valerio, chekuti vabvumidzwe kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika mwedzi unouya zvichitevera kusatambirwa kwemagwaro avo nekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission.

Vachisvitsa chikumbiro ichi kudare, gweta raAmai Valerio, VaAlec Muchadehama, vati hapana chinonwisa mvura chakapa kuti komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commision, irambe kutambira magwaro aAmai Valerio.

VaMuchadehama vati Amai Valerio vakaisa mari yaidiwa yose kubhanga mukati menguva yakatarwa nemutemo vakati ZEC hayaifanira kuramba kugamuchira mapepa avo kuti vakwikwidze, vachiti vakange vasvitsa magwaro avo ose anodiwa nenguva.

Vati kunonoka kuwana kwakaita ZEC mari yakabhadharwa naAmai Valerio yakanga isiri mhosva yavo asi mabhanga akatadza kuita basa rawo nemazvo.

VaMuchadehama vati kubhadhara mari yaidiwa kwaifanira kuitwa munguva yaitambirwa mapepa izvo zvavati zvakaitwa naAmai Valerio.

ZEC

Asi gweta reZEC, VaTawanda Kanengoni, vati danho rakatorwa neZEC riri pamutemo sezvo vachiti mari yakabhadharwa naAmai Valerio yakazopinda nguva dzakatarwa pamutemo kuti dare raitambire magwaro evachakwikwidza dzadarika.

VaKanengoni vati mari yakabhadharwa naAmai Valerio yakapinda mubhanga reZEC papera zuva rimwe chete dare reNomination Court ratopedza kutambira magwaro evaida kukwikwidza.

Zvichakadai, mutongi wedare riri kutonga nyaya dzine chekuita nesarudzo reElectoral Court, VaSamuel Deme, vati vachatura mutongo wavo panyaya iyi muzuva ravasina kutara.

Mutauriri webato reUnited Zimbabwe Alliance, VaElvis Dzvene, vatenda kuti izvi ndizvo zvaitika mudare.

“Taenda kudare, magweta edu apa humbowo hwakadzama chaizvo zvinoratidza kuti zvirokwazvo takaripa mari yaidiwa kuti mutungamiriri wedu ange achipinda pasarudzo.”

VaDzvene vati vachamirira zvichaturwa nedare panyaya iyi kuti vaone kuti vachatora matanho api sezvo mazuva esarudzo aswedera.

“Chatinongochemera nekuvimba ndechekuti zvichemo zvatakapa neminamato yedu zvichatambirwa zvakanaka uyezve tichitenda kuti Amai Elisabeth Valerio mutungamiri webato redu reUZA achapinda pasarudzo dziri kutevera pamwedzi iwoyu.”

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari zvakare mutungamiri webato reDemocratic Party, VaUrayayi Zembe, vati nguva yapera kuti Amai Valerio vapinde mundima vachitsvaga rutsigiro sezvo kwasara masvondo mashomanana kuti sarudzo dziitwe.

VaSaviour Kasukuwere

Vamwe vevakakwanisa kuisa mapepa avo kuti vakwikwidze musarudzo yemutungamiri wenyika vanosanganisira VaEmmerson Mnangagwa veZanu PF, VaNelson Chamisa vebato Citizens Coalition for Change, Muzvinafundo Lovemore Madhuku vebato reNational Constitutional Assembly, VaDouglas Mwonzora vebato reMDCT, VaSaviour Kasukuwere, avo vari kuda kukwikwidza vakazvimirira nevamwewo.

VaKasukuwere vakarambirwa nedare reHigh Court kuti vakwikwidze vachinzi vave nenguva ndefu vari kunze kwenyika. Asi magweta avo ari kukwikwidza mutongo uyu mudare reSupreme Court.

Mune imwewo nyaya yanga iri mudare nhasi, dare repamusoro rarasa chikumbiro chevaimbova mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC-T, VaElias Mudzuri, chekuti kongiresi yebato ravo yakapinza VaDouglas Mwonzora pachigaro yakaitwa zvisiri pamutemo. Mutauriri waVaMwonzora, VaLloyd Damba, vati vafara nemutongo uyu.

“Saka ivo relief yavanga vachitsvaga ndeyekuti kongiresi idzokorodzwe asi Justice Munangati Manonga vatonga nyaya iyi vaona kuti izvo nyaya yavo haina musoro. Havana kutombopinda zvakadzama nekuti zvavanga vachida zvanga zvisiri pamusoro pechikumbiro chavo.”

Studio 7 haina kukwanisa kubata magweta aVaMudzuri kana ivo VaMudzuri kuti tinzwe divi ravo pamutongo uyu uye kana vachazoupikisa.

Mubato reMDC-T mune bata murefu bata mupfupi sezvo hutungamiri hwebato iri huri kurwira masimba, vamwe vakaita saVaMudzuri nevamwe vachipomera vaMwonzora mhosva yekutadza kufambisa basa zvakanaka.

Asi VaMwonzora vakabva vadzinga mubato nhengo idzi, idzowo dzakazivisa kuti dzakanga dzadzingawo ivo VaMwonzora.