Kunyange hazvo FIFA yakadzosa Zimbabwe mumakundano enhabvu yepasi rose, vakawanda mumhuri yenhabvu vanoti pane zvakawanda zvinoda kutanga zvagadziriswa nyika isati yaita maroto ekubudirira kuenda kumafainari e2026 World Cup zvichitevera kuiswa kwezvikwata mumapoka emakundano emakwikwi aya.
Aimbove murairidzi weDynamos, Lloyd Chigove, anoti chekutanga chikuru chinofanirwa kuitwa neZimbabwe kutsvaga murairidzi wemaWarriors nechimbi chimbi, asi nenguva shoma yasara murairidzi uyu anofanira kuve ari wemunyika.
“Kunyange hazvo vaSunday Marimo vakati vakazorora, igamba ra tinokwanisa kudzora kuzotibatsira. Vakabatana naNorman Mapeza naJoe Antipas pane zvinobuda,” anodaro Chigove.
Chechipiri, Maneja wemaWarriors VaWellington Mpandare vanoti panodiwa nguva yakati rebeyi yekuvaka chikwata chitsva mushure mekugara kwemakore Zimbabwe isingatambe nedzimwe nyika.
Vanoti pari zvino, Zimbabwe yave kufanira kuunganidza vatambi vemunyika vakafararira nepasi rese kuedza kuvaka chikwata chakasimba.
“Tave nenguva tisingatambe bhora. Chinhu chikuru chatatarisana nacho kugadzirisa chikwata nguva ichiripo. Tinofanira kukwezwa vatambi vakawanda vari kunze nevakatekerwa ikoko kuti vauye,” vanosimbisa VaMpandare.
Zimbabwe yakaiswa mugungano reGroup C, iro rine neBenin, Lesotho, Nigeria, Rwanda, neSouth Africa.
Chikwata chimwechete chinopedza chiri pamusoro mugungano iri ndicho chinoenda kumafainari eWorld Cup aya.
Mutsigiri weDynamos, VaBoswell Marimo, vanoti pari kuda mitambo yakawanda yekuedzana masimba uyezve nezvikwata zvine mazita kuitira kugadzirira zvakasimba rwendo rwunorema urwu.
Sachigaro veSports and Recreation Commission, VaGerald Mhlotswa, vakataurira nyika kuti maWarriors achapihwa mari nehurumende kusanganisira yemitambo yekuedzana masimba.
Asi nhengo yeWarriors Friends Club, VaProsper Mashaya, vanoti Zimbabwe inokwanisa kukanganisika muWorld Cup umu kana ikatambira mitambo yayo yepamusha kunze kwenyika.
Pari zvino, Zimbabwe haina nhandare yekushandisa zvichitevera kumiswa kweNational Sports Stadium nesangano reCAF, izvo VaMashaya vanoti zvinofanira kugadziriswa.
“Chingangotikanganisa kushaya nhandare yekutambira mitambo yepamusha. Tiri kukumbirawo hurumende kuti nhandare ngadzigadziriswe paine nguva,” anokumbira Mashaya.
Asi gurukota rezvemitambo, Muzvare Kirsty Coventry, vakavimbisa kuti nhandare iyi ichange yagadziriswa zvakakwana makundano eWorld Cup asati atanga musi wa 13 Mbudzi gore rino.
FIFA yakadzora Zimbabwe munhabvu yepasi rese neMuvhuro svondo rapera mushure memakore maviri yadzingwa nemhaka yekupindira kwebazi rehurumende reSRC mune zvehutungamiri hwenhabvu.
Komiti yevanhu vana, iyo iri kutungamirwa naVaLincoln Mutasa, ndiyo iri kumbotungamira nhabvu munyika kusvika sarudzo dzevatungamiri veZIFA dzaitwa munaChikumi gore rinouya.
Zvichakadaro, vatsigiri veDynamos vapinda mukuridza ngoma, kuimba, nekutamba apo chikwata chavo charova Chicken Inn 2-0 mumutambo weCastle Lager Premier Soccer League muBarbourfields Stadium.
Elton Chikona naFelix Ilunga ndivo vakanda zvinodzwa zvapa Dynamos kukunda uye kutora mapoinzi ese matatu.
Mutambo uyu waunganidza chaunga chinotyisa kusanganisira vatsigiri Highlanders kunyange hazvo kwanga kuchitonhora zvekukwidza hamba mumuti.
Asi zvinhu hazvina kufamba zvakanaka kuFC Platinum, iyo ine mukombe uyu, sezvo yarohwa pamusha 1-0 neYadah muMandava.
Mimwe mitambo yatambwa neMugovera yapera seizvi, Ngezi Platinum 0 Simba 1, Caps United 2 Greenfuel 0, ZPC Kariba 0 Sheasham 0, Manica 1 Cranbourne 0.
Mitambo iriko neSvondo yakamira seizvi; Triangle vs Byo Chiefs kuGibbo, Black Rhinos vs Hwange kuBata uye Herentals vs Highlanders kuMandava.
Your browser doesn’t support HTML5