ZEC Inoti Yadarika Zvikamu Makumi Masere Kubva muZana muGadziriro yeSarudzo dzeGore Rino, Vamwe Vachiti Ichine Basa Guru Rekuita

  • Jonga Kandemiiri

Sachigaro veZEC, Justice Priscilla Chiguma nechikwata chavo.

Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, inoti yagadzirira zvakanyanya sarudzo dzegore rino, idzo dziri kuitwa musi wa 23 Nyamavhuvhu.

Mutevedzeri wasachigaro veZimbabwe Electoral Commission, Commissioner Rodney Kiwa, vaudza vatori venhau muHarare kuti komisheni yavo yadarika zvikamu makumi masere kubva muzana, kana kuti 80 percent, pagadziriro yayo yesarudzo.

Vati ZEC yaunganidza zvakawanda zvinodiwa zvekushandisa musarudzo zvinosanganisira mapenzura nemapepa ekuvhotesa asi vachiti komisheni yavo iri kukangiswa kufambisa basa zvakanaka nekuda kwenyaya dziri kumatare.

Asi Komishina Kiwa vaudza musangano uyu kuti vanotarisira kunge vapedza zvose zvinotarisirwa pachasvika zuva resarudzo.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira bato reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoti vanopokana nezvinotaurwa naComisioner Kiwa, vachiti ZEC ichine zvakawanda zvekuitazvinoda kuzadziswa.

"VaKandemiiri, ndinopokana nezviri kutaurwa neZEC zvekuti yaita zvikamu zvinodarika 80 percent. Maonero angu ndeekuti basa zhinji rakakosha harisati ratotanga kuitwa. ZEC yakanonoka kuita zvayaifanirwa kuita panyaya yekugadzirira sarudzo dzemwedzi unouya uyo, musi wa 23."

Doctor Zembe vanoti ZEC yakaita chivande vande panyaya yekupa gwaro reavhoti kuvanhu vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika. Vanoti kwasara mazuva ari pasi pemakumi mana asi ZEC ichiri kupa vanhu magwaro aya.

"Saka vakatamba nenguva, vachivanda vanhu pazvinhu zvakakosha. Iko zvino pane nyaya yakakosha yekuti zvibude kune vanhu kuti nzvimbo dzavo dzekuvhotera dzakamira sei, vachiti zvinhu zvakakosha kuti vanhu vazive kuti vachanovhotera vari kupi mumiganho mitsva yakatarwa neZEC," vanodaro Doctor Zembe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Urayayi Zembe