Vadzidzi veZINASU Vana Voburitswa Muhusungwa

Zinasu

Vadzidzi vepaUniversity of Zimbabwe vana vapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso mushure mekugara mujeri kwenguva refu vachipomerwa mhosva yekunyoranyira zvivakwa zvehurumende vachitsutsumwa nekushungurudzwa kwenhengo inomirira Zengeza West muparamende VaJob Sikhala pamwe nemutungamiri webato reTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume.

Mutongi wedare repamusoro, Amai Lucy Mungwari, vatura mutongo wekuti vadzidzi vepa University of Zimbabwe vana vanoti Benjamin Watadza, Emmanuel Sitima, Comfort Mpofu naLionel Madamombe vabude mujeri mushure mekunge vabhadhara mari yechibatiso kuna mabharani wedare ramejasitiriti.

Rimwe remagweta avo, VaDarlington Marange, vatenda kuti izvi ndizvo zvaturwa nedare. Mutungamiri wesangano revadzidzi reZimbabwe National Students Union, VaBoris Muguti vati vafara zvikuru kuti vadzidzi ava vapihwa mukana wekuti vabhadhare mari yechibatiso kunyange hazvo pachiine mumwe mudzidzi asara achiri muhusungwa chikumbiro chake kudare repamusoro chekuti atongwe achibva kumba chisati chanzwikwa.

Vadzidzi ava vakasungwa mwedzi miviri yadarika mushure mekupomerwa mhosva yekunzi vakanyoranyora midhuri yezvivakwa zvehurumende inosanganisira dare reparamende vachiti VaSikhala, pamwe naVaNgarivhume.

VaSikhala vari kupomerwa mhosva dzakawanda dzinosanganisira kukurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati mushure mekupambwa nekuzopondwa kwakaitwa imwe nhengo yebato ravo reCitizens Coalition for Change kuNyatsime, Muzvare Moreblessing Ali, nevanofungidzirwa kuti inhengo yeZanu PF, VaPius Jamba Mukandi, avo vakatobvuma mhosva iyi kare mumatare edzimhosva.

VaNgarivhume vakatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu mushure mekubatwa nemhosva yekukurudzira veruzhinji kuratidzira zvine mhirizhonga mukati pavakadaidzira kuratidzira kwemusi waChikunguru 31 2020 pasi pesangano ravanotungamira rinodaidzwa kuti July 31st Movement.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Frank Chikowore