Kukwira zvakanyanya kwemitengo yezvinhu muna Chivabvu kunonzi nesangano reConsumer Council of Zimbabwe, CCZ, kwakakwidza mari inodiwa nemhuri ine vanhu vatanhatu pamwedzi nezvikamu zana kubva muzana.
Muna Chivabvu mhuri iyi yaida miriyoni imwechete yemadhora emunyika kana kuti ZWL$1 million, asi muna Chikumi yakanga yave kuda mamiriyoni maviri emadhora emunyika, kana kuti ZWL$2 million.
Izvi zviri kuuya panguva iyo mihoro yevashandi vakawanda iri kunzi haina chaichatenga, ukuwo hurumende iri kukurudzira vemabhizimusi kuti vaderedze mitengo yezvinhu, ichiti dhora remunyika ragadzikana kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica.
Munyori mukuru wesangano rinomirira vashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti zvinongoreva kuti vakawanda vari kurara nenzara sezvo vari vashoma vanokwanisa kuiwana mari yave kudiwa nemhuri yevanhu vatanhatu pamwedzi iyoyo.
Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kukwira kwemitengo yezvinhu kwakakanganisa munhu wese, asi vashandi ndivo vakanyanya kukanganiswa nekuti mihoro yavo yakaramba iri payaive uku mitengo yezvinhu ichiita chamurambamhuru.
Izvi zvinotsinhirwa nemunyori mukuru werimwe sangano rinomirira vashandi, reZimbabwe Federation of Trade Unions, ZFTU, VaKennias Shamuyarira, avo vanoti ichocho ichokwadi nekuti dhora remunyika riri kuramba richishaiwa simba kana pakatariswa mitengo yezvinhu muzvitoro.
Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, Muzvare Happiness Zengeni,vanotiwo mumwedzi waChikumi ndimo makanyanya kushaya simba kwedhora remunyika.
Saka zvingagadziriswa sei izvi? Doctor Chitambara vanoti panotodiwa kuitwa muonera pamwe chuma chemuzukuru pakati pevashandi, vashandirwi nehurumende.
Nhaurirano dzemihoro yevashandi vehurumende dzeNational Joint Negotiating Council, idzo dzinounza pamwechete hurumende nevashandi, dzinonzi dziri kuramba dzichitadza kusimuka, izvo zviri kuchemwa nevashandi vehurumende kuti zviri kuvaomesera vachiti havachina mari dzekuendesa kumabasa.
Ukuwo, nhaurirano dzemihoro yevashandi vemakambani akazvimirira dzeTripartite Negotiating Forum, dzinonziwo dziri kutadzawo kusimuka izvo zvinonzi zvave kuita kuti masangano anomirira vashandi munhaurirano idzi vashandi ade kubuda.
Kunyange hazvo hurumende iri kuti yatora matanho ekudzikamisa hupfumi akawanda, vanoongorora zvehupfumi vanoti hapana chine makushe chiri kubatika, vachiti vezitoro havasi kukwanisa kudzikisa mitengo nezvikamu zvinotarisirwa nehurumende.
Ukuwo, vashandirwi vanonziwo nevamwe vashandi vari kuvatsikirira nekuti ndivo vane zvitoro zvinotara mitengo iri pamusoro asi ivo vachipa vashandi vavo mari dziri pasi.
Your browser doesn’t support HTML5