Sangano re Zimbabwe Female Arts Practitioners Platform (ZIFAPPA) raparura chirongwa chekudzidzisa vanhukadzi vanoita zvemitambo yakasiyana siyana kushandisa michina yechizvinozvino nehumhetura mukusimudzira mabasa avo. Chirongwa ichi chiri kutsigirwa nebazi rezvehumhizha.
Madzimai anosvika makumi maviri awaniswa zvitupa zvekupedza zvidzidzo zvema computer nhasi mu Harare kuine kurudziro yekuti hurumende iparure nekutsigira zvirongwa izvi kusimudzira madzimai mumadhorobha nemumaruwa.
Mumwe wemadzimai aya apinda muchirongwa ichi, Muzvare Ratidzo Eunice Tava, audza Studio 7 kuti anofara chose kuwaniswa mukana wakadai panguva ino apo pasi rose riri kumhanyidzana nenguva pakushandiswa nekuwaniswa ruzivo kwemichina yechizvinozvino uye ati ane chivimbo chekuti ruzivo rwaawana rwuchamubatsira mumabasa ake ezvemutambo.
Muvambi wechirongwa ichi Muzvare Angeline Dimingo vaudza Studio 7 kuti, chirongwa ichi chakanangana nekusimudzira madzimai aya kuitira kuti vakwanise kuzvitsvagirawo mikana yakanangana nekusimudzira nemabasa avo nenzira inoburitswa pamadandemutande akasiyana siyana kana kuti pa internet.
Vanotiwo kurudziro yekuvamba chirongwa ichi yakabva paongororo yakaitwa nesangano ravo iyo yakaratidza kuti madzimai mazhinji anoita zvemutambo anokundikana panyaya dzekushandisa ma computer kuita mabasa avo.
Vachitaura pamabiko ekupemberera nekuwanisa madzimai aya zvitupa zvekupedza zvidzidzo aitwa panzvimbo ye Parkview Restaurant mu Harare, vanoona nezve kufambiswa kwemabasa musangano iri, Muzvare Carol Dzimwasha vakorokotedza nekukurudzira madzimai kuti abatane nekushandisa ruzivo rwavawana mukuzvibatsira.
Munyori mukuru webazi re Ministry of ICT and Cybersecurity, VaBullar Chirume, vatenda sangano re ZIFAPPA nekuparura chirongwa chinosimudzira madzimai vachiti bazi ravo rine donzvo rekushanda nemadzimai anoita mabasa akasiyanasiyana mukuvawanisa ruzivo rwekushandisa michina yechizvinozvino.
Vawedzera vachiti zvinofadza chose kuona madzimai achiita mabasa akarerekera kuchirongwa chehurumende che National Development Strategy (NDS) icho chinobata zvekare nyaya dzekushandiswa kwemichina yechizvinozvino kana kuti digital transformation izvo vati zvichabatsira kushambadza Zimbabwe kunyika dzekunze.
Vanhukadzi vazhinji vanoita mabasa ezvemutambo mu Zimbabwe zvinosanganisira mafirimu, nhetembo, mimhanzi nezvimwe zvakadaro vanochemachema nekushaikwa kwemikana kana zvichienzaniswa nevanhurume. Sangano re ZIFAPPA rakavambwa muna Ndira gore rino nechinangwa chekusimudzira vanhukadzi vanoita zvemitambo yema arts nekurwira kodzero dzavo.
Your browser doesn’t support HTML5