Dare rePamusoro Soro Rotenda Kunzwa Nyaya YeKurambidzwa Kukwikwidza yaVKasukuwere neChimbi Chimbi

VaSaviour Kasukuwere

Dare reSupreme Court nhasi ratenda kuti nyaya yakakwidzwa naVaKasukuwere yokurambidzwa kukwikwidza chigaro chemutungamiriri wenyika inzwike nekukasika.

Nyaya iyi yanzwikwa pamberi pevatongi vanoti VaChinembiri Bhunu, Amai Felistas Chatukuta naAmai Susan Mavhangira.

Vakaendesa nyaya iyi kumatare, VaLovedale Mangwana vanga vaisa chikumbiro chekuti nyaya iyi inzwikwe nechimbi chimbi.

Izvi zvinotevera danho raVaKasukuwere rekukwikwidza mutongo wedare repamusoro wekuvarambidza kukwikwidza vachinzi vainge vatyora mutemo wesarudzo nekugara kunze kwenyika kwemwedzi inodarika gumi nemiviri.

Parizvino VaKasukuwere vari kuramba vari mumwe wevachakwikwidza chigaro chemutungamiriri wenyika musarudzo dzaNyamavhuvhu kusvika dare rapa mutongo waro.

Mutauriri waVaKasukuwere uye vari gweta, Amai Jacquiline Sande vatenda kuti izvi ndizvo zvaitika mudare.

Amai Sande vati, “Nhasi dare ranga richinzwa kuti nyaya inzwike nekukasika."

Vaenderera mberi vachiti, "Kana munhu aita appeal anopiwa mazuva ekuti aise mapepa ake achitaura mutemo urimairirange nenyaya yacho uye kuti sei tichiti dare repasi rakakanganisa pamutongo waro, awane record yekuHighcourt. VaLovedale Mangwana vakaisa chikumbiro chekuti nyaya iyi inzwike nekukasika uye vaSaviour Kasukuwere havana kuzviramba.”

Amai Sande vati dare rapawo mutongo wekuti nyaya iyi ichanzwika musi wa 27 Chikunguru. “Dare richazogara zvakare musi weChina yonzwa nyaya iyi yatinoti appeal nhasi kwanga kusiri kunzwaappeal but kutioappeal inzwike nekukasika.” Amai Sande vaudza Studio 7.

Rimwe gweta resangano rinoona nezvesarudzo munyika reZimbabwe Election Commission (ZEC) Advocate Charles Nyika ratsinhirawo richiti, “Dare ranzwa zvawiriranwa nevanomiririra mumhangari neamhangarirwa wekutanga." Vatiwo, " Vabvumirana kuti vachaisa mapepa awo kudare ane zvikonzero zvekusimbisa nyaya yavo nyaya iyi yozonzwika.”

Vatongi vatiwo dare reHigh Court rinofanirwa kuve raita gwaro rinoratidza zvakaitika pakanzwika nyaya iyi musi wa 21Chikunguru.

Dare ratiwo magweta anofanirwa kuve aisa kudare zvikonzero zvekusimbisa nyaya yavo musi wa26Chikunguru dare rozonzwa nyaya masikati emusi wa27 Chikunguru.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Rutendo Mawere