Mutumbi weVakawamba Kereke yeZAOGA, Archbispo Guti, Unosvika muNyika Kubva kuSouth Africa Kwavakashaikira

Mutumbi waArchbishop Ezekiel Guti, uyo wasvika muHarare.

Mutumbi wevaive mukuru wekereke yeZAOGA Forward in Faith Ministries, Archbishop Ezekiel Handinawangu Guti, wasvika munyika nhasi uchibva kunyika yeSouth Africa uko kwavakashaikira musi wa 5 Chikunguru vave nemakore zana ekuberekwa.

Mutumbi waArchbishop Guti watambirwa nezviuru nezviuru zvevavhu zvanga zviri panhandare yendege, yeRobert Gabriel Mugabe International Airport, zvimwe zvakazadza mugwagwa unobva kunhandare iyi uchienda kuchechi yeBraeside, uko kwavaitirwa munamato wekuvagamuchira.

Vachitaura pamunamato waitirwa murume wavo masikati anhasi, Amai Eunor Guti, madzimai waArchbisop Guti, vati murume wavo akaita basa rakanaka kusimudzira vanhu vemunyika zvese nevekunze kweZimbabwe.

Amai Eunor Guti.

“Murume arere apa uyu, akaita basa rakanakisa rakachinja hupenyu hwevanhu. Mune zvehutano, vane zvavakaita, kuchiti mune zvedzidzo, vanga variko, kuzouyawo mukudzidzisa pamusoro pekutanga nekuita mabhizimusi anopa chouviri.

Vakadzidzisawo pamusoro pekusimbaradza mhuri nekushandisa maoko. Basa ravo harina kuperera muno chete, asi rakatekeshera kuenda kune dzimwe nyika.”

Vamwe vanonzi vari kuti vave kutyira kuti kushaya kwaArchbishop Guti kuchaita kuti kereke itsemuke nepakati sezvakaonekwa kune mamwe makereke akaita seZCC, iyo yakatsemuka mushure mekushaya kweakaitanga. Asi vachitaura neStudio 7, munyori mukuru weZAOGA Forward in Faith Ministries, VaMisheck Muyambo, vati chechi yavo haisi kuzoita dambudziko rekuwana achaitungamirira.

“Chechi inotungamirwa neExecutive Board yeZAOGA Forward in Faith, saka isu hedu hatina chekutya. Tiri kutoshaya kuti vanhu vari kuona kupatsanuka vari kuzviwanepi, panekuti vaone kusimba kwekereke yedu.”

Elder Praxedes Majoni, mumwe wevanopinda kereke yeZAOGA mudunhu reMbare, vati Archbishop Guti, vakavasimudzira chose seshirikadzi.

“Ini sechirikadzi, ndakasimudzirwa zvikuru nababa Vaguti. Vakandidzidzisa kuzvishandira nemaoko angu, naizvozv ndatova neimba yangu kuStoneridge muHarare. Dai isiri ZAOGA, ndaigona kunge ndakatofa nezvirwere nekuti handina murume, asi kuchechi yedu tinodzidziswa kut usatya, usatadza- ndizvo zvandisvitsa pano nhasi.”

Mutumbi waVaGuti kuBraeside Church.

Mumwewo anopinda ZAOGA, VaPamhidzai Mafetu, avo vanopindira kuDomafalls, vayemurawo mabasa akaitwa naArchibishop Guti.

“Baba vakatidzidzisa kunamata nguva dzose. Vakatiudzawo kuti kunyange muzuva rakaita serino vasisipo, tirambe tichinamata Mwari, nekuti ivo havasi Mwari. Kana basa rikapera, takadzidziswawo zvekare kusarasa tariro, asi kuwana chouviri kubudikidza nekusagarira maoko.”

Muvambi nemutungamiri wekereke yeGreater Love Ministries, Apostle Ronald Mhlaba, vanoti hupenyu hwaArchbishop Guti hunoratidza kuti kupinda makereke akasiyana hakutadzisi kudanana nekusimudzirana.

“Kuchemwa kwaBaba Guti kunoratidza kuremekedzeka kwavo muno munyika, nepasi rese. Chero vasiri veZAOGA, vari kuchemawo, nekuti nhaka yatasiirwa naVaGuti yakakurisa. Handioni sekuti pane mumwe munhu achakwanisa kuita mabas akafanana neakaitwa nemusharukwa waMwari uyu.”

Mushure memunamato uyu, mutumbi waArchbishop Guti waendeswa kuimba yerunyararo yeNyaradzo Funeral Services, uko uchachengetwa kusvika musi wa 3 Nyamavhuvhu 2023.

Guti body arrival

Kubvawo musi wa3 iwowo kusvika musi wa5 Nyamavhuvhu, kuchaitwa mabiko ekupemberera hupenyu hwavo kunhandare yeNational Sports Stadium, kuchizoitwa munamato wehusiku hwese musi wa5 iwowo, mufi achizoradzikwa kunzvimbo isati yaziviswa musi wa 6 Nyamavhuvhu.

Archbisop Guti vari kuchemwa kwemazuva makumi matatu, uye nyika dzepasi rese dzichiri kutumira mashoko enyaradzo kumhuri yekwaGuti, kukereke yeZAOGA nekunyika yeZimbabwe.

Kereke yeZAOGA FIF, iyo yakavambwa naArchbishop Guti, inonzi iri munyika dzinodarika zana.

Vanasorojena vesangano re The African Christian Council International (ACCI) vakatonyorera hurumende vachikumbira kuti Archbishop Guti vaitwe gamba renyika pachitariswa mabasa avakabata pamwe neakabatwa nekereke yavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Tobias Mudzingwa