Mukamba mechikwata chemutambo webhora remaoko chenyika, chemaGems, hamusi kudaidzwa anonzwa apo vatambi vari mubishi rekuronga tsoro dzekusimudza nyika yese nemufaro mumakundano e2023 Vitality World Cup.
Chokwadi ndechekuti manyukunyuku harisi izwi rakakwana kutsanangudza mufaro uri mukamba mevasikana ava, avo vave muCape Town kuSouth Africa, vakatarisana nemakundano makuru emutambo uyu.
Vasikana gumi nevashanu ava vazvitarira kuti vanofanira kusvika muma semi fainari emakundano aya, kusadaro vachiti vanenge vakundikana.
Pavakapedzisira kuenda kuWorld Cup kuLiverpool, England, muna 2019, Zimbabwe yakapedza iri pachinzvimbo chechisere asi kaputeni wavo, Felistus Kwangwa, anoti vave kushandisa zvavakadzidza gore iroro kuita zviri nani.
“Sezvatakamboita kuLiverpool. tirikuda kenderera mberi nepatakasiira. Tarisirai maresults anofadza,” adonari Kwangwa.
Mumwe mutambi aive kumakundano 2019 aya, Tanaka Sharleen Makusha, anotiwo iko zvino vanofanira kusvika musemi fainari kana kutotora mukombe wacho sezvo vave kuziva zvinodikanwa kuitwa.
“Sezvo takamboita number eight, tave kuvimbisa kuita number four. Tikiwana mukana wekudarika apa, tinovimbisa mufaro chaiwo,” avimbisa nyika Tanaka.
Nemurairidzi wavo, Ropafadzo Mutsauki, anoti semurairidzi anotarisira nguva nenguva kuita zviri nani pane zvaakamboita zvekuti chinhanho chechina ndicho chaari kutarisira iye zvino.
Mutsauki anoti ari kutora nguva ino kunyatsosimbisa matambiro echikwata chake nemitambo yekuedzana masimba nenyika dzeBarbados, Scotland neWales, idzo dzirikowo kuWorld Cup zvekare.
“Svondo rino tinenge tichishandura shandura vatambi pekutambira kusvika taona mumwe nemumwe pake zvichienderana nemitambo yatichatamba,” anodaro Mutsauki.
Zimbabwe iri mugungano rimwechete neFiji, Tonga neAustralia, iyo vari kuvhura nayo makwikwi musi wa 28 Chikumi.
Totarisa mutambo wenhabvu;
Chikwata cheGreenfuel chakudubura mumwe mukono mushure mekurova Dynamos 1-0, svondo rimwechete chichangobva kurova Caps United 2-0.
Kukundwa kweDembare uku, uko kwashamisa kwete vatsigiri vechikwata ichi chete, asi vese vanotevera nhabvu yemunyika, kwapinza maroto eDembare ekuenda pamusoro petafura mumadhaka.
Uyu ndiwo mutambo wekutanga Dynamos ichirohwa kubvira zvikwata zvemuPSL zvadzoka kubva kuzororo remasvondo maviri.
Mimwe mitambo yatambwa nhasi yapera seizvi…
Chiefs 1 Herentals 2; Caps 1 Triangle 1; Yadah 1 Chicken Inn 3; Cranbourne 0 Ngezi Platinum 1.
Mitambo iriko neSvondo yakamira seizvi,
Highlanders v Manica Diamonds kuBarbourfields; Hwange v FC Platinum kuColliery; Sheasham v Black Rhinos kuBata, kwotiwoSimba Bhora v ZPC Kariba munhandare yeBaobab.
Totarisa nhabvu yevanhukadzi ye2023 FIFA Women’s World Cup.
Vavakidzani veZimbabwe veZambia “Copper Queens” kana kuti “She Chipolopolo” nhasi mangwanani vazvamburwa 5-0 neJapan mumutambo wavo wekutanga weWorld Cup iyi iyo yakatanga muAustralia neNew Zealand nemusi weChina.
Zambia ndiyo imwe yezvikwata zvina zvinosanganisirawo South Africa, Nigeria neMorocco zviri kumirira Africa kumakundano aya.
Nigeria yakaita 0-0 neCanada nezuro, South Africa ine Sweden mangwana mangwanani. Asi Morocco ichazopinda munhandare neMuvhuro apo ichasangana neGermany.
Asi mutsigiri wemutambo wenhabvu, VaJohn Chifombo, vanoti havasi kutarisira zvakawanda kuzvikwata zvemuAfrica asi vachiona kunge America neGermany ndidzo dzicharwira mukombe uyu.
“Tese tinoziva zvikwata zviri kumirira Africa asi chokwadi ndechekuti havana kwavanosvika. Nhoroondo inotiudza kuti Amerika neGermany ndidzo dzicharwira mukombe,” VaChifombo vanotaura maonero avo.
America yacho yadambura Vietnam 3-0 mumutambo wayo wekutanga wemakundano aya zvekare.
England yatatarika asi ndokuzokunda Haiti 1-0, zvimwechetezvo zvichitika paDenmark iyo yakunda China 1-0.
Your browser doesn’t support HTML5