VaMwonzora Vodya Magaka Mambishi Vachiti Zanu-PF iri Kutenga Nhengo Dzavo

VaDouglas Mwonzora - MDC -T

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC VaDouglas Mwonzora vari kupomera bato reZanu-PF mhosva yekupa chiokomuhomwe nhengo dzebato ravo kudzikwezva kuti dzive nhengo dzebato riri kutonga.

Izvi zvinotevera kuenda kubato iri kwenhengo dzavo dzakawanda kusanganisira vaive mutauriri webato iri VaWitness Dube. VaDube vainge vari pamusangano weZanu-PF keCentenary nezuro vakanyora tsamba kuvatori venhau vachitaura kuti vainge vatakura mukwende wavo vakananga kuZanu-PF.

Tavatumira mibvunzo kuti vape divi ravo pane zvimwe zvataurwa navamwonzora asi vange vasati vapindura pataenda pamhepo.

Vachipindura mubvunzo wedu pane zviri kutaurwa naVaMwonzora zvekuti Zanu-pf iri kutenga vanhu, mutauriri webato iri VaChris mutsvangwa vaudza Studio 7 kuti bato ravo rakakura uye vanhu vanongouya nemufaro pasina kumanikidzwa kana kupihwa chiokomuhomwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora