Vachitaura pamusangana nevaongorori vesarudzo wakokerwa nebazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, mutevedzeri wegurukota rezvekuburitsswa kwemashoko VaKindness Paradza vati mapato anopikisa haasi kutora mikana yekuzvishambadzira yaari kupihwa.
VaParadza vati, “ZBC nedzimwe nhepfenyuro dzinosanganisira yeZimpapers nana Star FM vari kuti vemapato ezvematongerwo enyika huyai mutaure nyaya dzenyu muchiudza vatsigiri vachakutsigirai zvamuri kuvavimbisa asi mapato anopikisa mazhinji anotoramba kuuya kuzoshandisa mukana uyu.”
Asi vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaGift Ostallos Siziba varamba mashoko aya vachiti zviri pachena kuti vezvenhau mumpazi ehurumende vari kushandiswa neZanu-PF . VaSiziba vati, “ZBC haifanirwi kuva muromo weZanu PF, ndeyenyika inobhadharwa nemitero yedu veruzhinji."
Vatiwo, "Saka tiri kukurudzira ZBC neZEC kuti dzitevedzere mutemo munhu wese apiwe nguva yekutsvaka rutsigiro zvakayenzana.”
Mutungami webato reUnited Zimbabwe Alliance Amai Elisabeth Valerio vanova mudzimai ega ari kukwikwidza chigaro chemutungamiriri wenyika vati dzimwe nguva vatori venhau veZBC vanoenda kumisangano yavo asi vasingaburitse nyaya dzacho panhepfenyuro.
Amai Valerio vati, “Tinosimbokokwa, gore rapera pamaby-elections takakokwa kuti vatitore nhau asi zvavanenge vatapa izvi hazvibuditswi paterevisheni kana panhepfenyuro.”
Mukuru anoona nezvekubudiswa kwemashoko mubato rinopikisa reMDC T, VaChengetai Guta vati vanokatyamadzwa nemashoko ehurumende aya vachiti vakatoendesa tsamba yenyuto kuZimbabwe Media Commission nezvekusapihwa mukana wekuzviratidzira.
VaDube vaudza Studio 7 kuti, “Hatina patakamboramba kunotaura sebato rinopikisa kuti timboendawo panhepfenyuro dzenyika ino." Vatiwo, "Tinotori nezvinyunyuto zvatinazvo zvatakaendesa kuZimbabwe Media Commission tichinyunyuta kuti hatisi kupiwa mikana yakafanana neirikupiwa kuZanuPF.”
Mutauriri waVaSaviour Kasukuwere avo vari kukwikwidza vakazvimirira musarudzo yemutungamiri wenyika Amai Jacquiline Sande vati ZBC iri kungoteverera bato reZanu PF vachitiwo vakakokwa vanoenda.
Amai Sande vati, "Tiri kungoona kuti zuva nezuva siku nesikati, ZBC irikungoteverera anova mutungamiriri wenyika Emmerson Mnangagwa nevamwe vake vanaChiwenga." Vatizve, "Makurukota ese emuZanu PF ari kutoita kutevererwa chaiko vachiita sekuti ndiro rega bato riri munyika muno hatisati tamboona mamwe mapato achideedzwa.”
Vachitaurawo pamusangano mumwe uyu, munyori mubazi rinoona nezvemukati menyika VaGerald Gwinji vatiwo munyika mune runyararo uye nyaya dzemhirizhonga ishoma.
VaGwinji vati, “Tirikuona isu kuti munyika medu munerunyararo hongu inguva yesarudzo tinozowona kuti pano neapo panoita vanotukana kana kuchinjana zvibhakera asi tikawana nyaya dzakadai tinoiteverera kusvika taita kuti mutemo uite zvawakagadzirirwa.”
Asi mapato anopikisa kunyanya Triple C anoti mamwe matunhu akaita seMasvingo aberekera ingwe izvo zvoita kuti vamwe vanopikisa vatize misha.
Vachitaura neStudio 7 mushure memusangano uyu mumiririri weMalawi muZimbabwe Ambassador Mwayiwawo Polepole vati semaonero avo vari kuona sekuti Zimbabwe iri kuita gadziriro yakanaka kuita sarudzo dzejekerere.
VaPolepole vatiwo zvakakosha kuti vavhoti vave neruzivo nezvehurongwa hwemapato akasiyana siyana achakwikwidza musarudzo idzi.
Musangano uyu wapindwawo nemasangano akasiyana-siyana akaita seUnited Nations. Zimbabwe ichaita sarudzo musi wa23 Nyamavhuvhu.
Your browser doesn’t support HTML5