ZIFA Yotsvaga Murairidzi wemaWarriors muNyika Kana Kuti Kunze?

  • Michael Kariati

Norman Mapeza

Veruzhinji vanoti Normalization Committee iyo irikutungamira nhabvu munyika inofanira kupa basa murairidzi uyu nechimbi-chimbi kuti awane nguva yakakwana yekuvaka nekugadzirisa chikwata chake. Asi gakava munyika ndere kuti anokodzera ndiani, wemuno kana kuti wekunze

Mukuru weNormalisation Committee VaLincoln Mutasa vanoti nyaya iyi iri irikugadziriswa zvekuti parizvino varikumboita hurukuro nana chipangamazano kuti zvoitwa sei

Asi vakawanda kusanganisira murairidzi weCome Again, Bigboy Mawiwi uyo aimborairidza zvekare Dynamos vanoti basa rakatarisana neZimbabwe parizvino rinoda murairidzi wemunyika muno. Mawiwi ati, “Chikumbiro, changu tinofanira kuita murairidzi wemuno, uyo anonyatsoziva chinangwa chedu nekugara kwechinguvana tisingatambe,” anodaro Mawiwi. Izvi zvatsinhira nenhengo yeFriends Club VaMathias Kufandirimwa. VaKufandirimwa vati, “Pave kuda murairidzi wemuno anoziva kutaura shona nechirungu kuti vanzwisisane nevatambi. Vamwe vatambi vedu vakabarirwa kunze havanzwe shona,” vakumbira vaKufandirimbwa.

Asi mutambi Silas Songani uyo anotambira Vestri kuIceland anoti nguva iripo ipfupi zvekuti Norman Mapeza anofanira kuenderera mberi nebasa.

“Tinofanira kungoenderera mberi neakapedzisira kuve achiraridza chikwata ichi (Norman Mapeza),” anodaro Somgani.

Aimbove murairidzi weZimbabwe Under 17 neDynamos Lloyd Chigove anoti mubatanidzwa waSunday Chidzambwa, Joey Antipas unokwanisa kuburitsa gohwo rimofadza.

Asi mutsigiri weHighlanders iyo iri pamusoro petafura yePSL VaSimbai Mahachi vanoti Zimbabwe inofanira kuita zvakaitwa neBosso kutora murairidzi wekunze.

Mumwewo mutsigiri wenhabvu VaKudzai Bere vanoti varairidzi vekunze kwenyika havana rusarura pakusarudza vatambi VaBere vati, “Tinofanira kutsvaga murairidzi wekunze nekuti haana rusaruro mukusarudza vatambi,” anopa pfungwa dzake Bere.

Zimbabwe muna Mbudzi iri kukwikwidza mumakundano e2026 World Cup umo iri mugungano rimwechete neBenin, Lesotho, Nigeria, Rwanda neSouth Africa.

Zimbabwe yanga yave pedyo nekutadza kukwikwidza e2026 World Cup aya mushure mekudzingwa munhabvu yepasi rese neFifa musi wa 24 Kukadzi, 2022, mushure mekupindira kwebazi rehurumende reSports and Recreation Commission mune zvehutungamiri hwenhabvu.

Asi FIFA yakadzora nyika iyi musi wa 10 Chikunguru ndokuisa normalisation committee iyo ichatungamira nhabvu kusvika musi wa 30 Chikumi gore rinouya apo panozoitwa sarudzo ye bhodhi reZifa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Michael Kariati