Vanasikana Vakawanda Voramba Vachibata paMuviri Zvotemesa Musoro Vanorwira Kodzero Dzavo

Nyanzvi munyaya dzekodzero dzevana munyika nevesangano reUnited Nations vari kukurudzira vanhu munyika kuti vaise musoro pamwe chete kugadzirisa dambudziko revana vasati vabva zera kana kuti vachangobvazera vari kubata pamuviri iro roramba richikura munyika.

Vachitaura nevatori venhau kumuzinda weUnited Nations muHarare nhasi, nyanzvi munezvevana nevechidiki vachishanda neUnited Nations Population Fund VaBlessing Nyagumbo vati tsvakurudzo yavakaita yeNational Adolescent Pregnancy Study yakabuda muna Chikumi gore rino inoratidza kuti kubva muna 2019 kusvika 2022 pavanhu miriyoni imwechete nezviuru mazana manomwe kana kuti 1,7 million vakaita pamuviri zvakanyoreswa pamutemo, zvikamu makumi maviri nechimwe kubva muzana kana kuti 21%, vana vasati vabvazera nevachangobvazera.

Vana ava vari pamakore ari pakati pegumi negumi nemapfumbamwe kana kuti 10 to 19 years.

VaNyagumbo vati, “Pakange paine vanhu miriyoni imwechete nezviuru mazana manomwe kana kuti 1,7 million vakaita pamuviri zvakanyoreswa pamutemo, zvikamu makumi maviri nechimwe kubva muzana vanova zviuru mazana matatu nemakumi mashanu vakanga vari vana vanobva pamakore 10-19.”

VaNyagumbo vati nekuda kwekukura kwedambudziko iri, vari kushanda nemapazi ehurumende mukuedza kuderedza dambudziko iri munyika. Vati, “Tirikushanda nebazi redzidzo yepasi kusimbisa kuwanikwa kwemashoko kuvana vadiki kuti vazvidzivirire kubva pakubata pamuviri nekubva pane mamwe matambudziko.”

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Amai Mucha Mukamuri vatendawo kuti dambudziko iri rakakura. Vaudza Studio 7 kuti, “ Pamuviri kuvana idambudziko guru nekuti rinokanganisa vanasikana kuti varambe vachienda mberi nechikoro nekuti vabudirire zvinoitawo vanakomana.”

Dr Edwin Mpeta vanoshandawo neUNFPA vatiwo nyaya yekudzivirira pamuviri yakakosha zvikuru munyika. Vati, “Kuti chirongwa chefamily planning chive chakasimba zvakakosha kuti zvinoshandiswa zvacho pakurongwa mhuri zvakaita semapiritsi nemaloop zvive zviripo.” Vaenderera mbri vachit, “Iye zvino nyika yeZimbabwe inoda zvekushandisa kuronga mhuri zvemari iri pakati pemari yekuAmerica inoita madhora7-8 million. Saka zvakakosha kuti hurumende ive inotengawo zvekuronga mhuri.”

Izvi zvatsigirwa nenyanzvi munyaya dzezvehutano, Amai Mucha Mukamuri. “ Ichokwadi kuti rubatsiro ruzhinji runobva kumasangano akazvimirira nekunze uko saka kusvika hurumende yaona kuti pane zvinotokosha zvisipo yokwanisawo kuisa mumabhajeti.” Amai Mukamuri vaudza Studio 7.

Vachitaurawo nyaya yekuronga mhuri kuvanhurume, VaMpeta vatiwo vanababa munyika vari kunyanyosiira zvekuronga mhuri kuvanhukadzi. VaMpeta vati, “Nyaya yekusunga machubhu kunozodarika nembeu yababa, varume vari kutora nzvira iyi vashoma zvikuru."

Rimwe gwaro rakamboburitswa nebazi redzidzo yepasi rinonzi Primary and Secondary Education Statistics report muna 2021 rakabuditsawo pachena kuti mugore iri vanasikana zviuru gumi nezvina nemazana matanhatu vaive vatadza kuenderera mberi nechikoro nekuda kwekuti vaive vaita pamuviri kana kuti varoorwa, mazana maviri nemakumi matatu nevasere vari vanasikana vaive kuzvikoro zveprimary.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Rutendo Mawere