Nyaya Yekuti Mitengo iri Kudzika Here Kana Kuti Kwete Yokonzera Gakava muNyika

Zimbabwe National Statistics Agency kana kuti ZIMSTAT inoti mitengo yezvinhu yatanga kudzika zvichitevera kusimba kuri kuita dhora remunyika.

Semuenzaniso, mitengo yezvnhu inonzi yakadonha nezvikamu zvinodarika gumi nezvishanu kubva muzana kana kuti -15, 3 % kubva muna Chikumi kusvika Chikunguru.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari chipangamzano cheReserve Bank of Zimbabwe, VaPersistence Gwanyanya vanoti zvirongwa zvehurumende kuburikidza nebhanga reRBZ nebazi rezvemari zvave kuunza kudzikama kwemari yemunyika nemitengo.

Asu imwewo nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari mukuru wekambani yeUnderhill Corporate Solutions Doctor Eddie Mahembe vanoti mitengo haisi kunyatsoderera kumaruwa.

Munori mukuru wesangano rinomiririra vashandi, Va Japhet Moyo vanoti vashandi havasi kuona shanduko iri kutaurwa nekuti mitengo ingori payaive kare muzvitoro

Izvi zvatsinhwa nemukuru wesangano rinomirira vanotengesa mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation Viset, VaSamuel Wadzayi.

Imwe nyanzvi yezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara vanoti kushomeka kwemari yemunyika ndiko kuri kuita kuti zvinhu zviite sezvanaka.

Bhanga reRBZ rinoti kusunungurwa kwemitemo yekuchinjwa nekutengeswa kwe mari yekunze pamusika weForeign Currency Exchange Market kwabatsira kudzikamisa dhora remunyika.

Mutungamiri wenyika VaEmerson Mnangagwa vanotiwo hurumende yavo ichasunga vana muzvinabhizimisi vanoramba kudzikisa mitengo kana kutengesa zvinhu nemari yemunyika.

Asi mapato anopikisa akaita seTripple C anoti hurumende yakundikana kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Evans Zininga