Muzvare Marlene Gadzirayi Vopihwa Basa Rekutungamira Zimbabwe Olympic Committee

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Muzvare Marlene Chiedza Gadzira

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuita zvidzidzo zvepamusoro kuSussex muUnited Kingdom muzvare Chiedza Marlene Gadzirayi vanova zvakare nyanzvi dzezve mitambo vanoti vari kufara nekuwana basa rekutungamira sangano reZimbabwe Olympic Committee.

Muzvare Gadzirayi vanoti vari kurumbidza Mwari sezvo vakambo batwa nechirwere chegomarara makore apfura.

Vanoti semudzimai vari kufara kuti vachawanawo mukana wekupa kuridziro kune mamwe madzimai echidiki kuti vasatye kutsvaga mabasa epamusoro sezvo vachikwanisa kuita mabasa anowanzo itwa nevanhurume.

Muzvare Gadzirayi vari kutora basa iri kubva kuna VaStephen Mudawarima avo vakange vari pabasa iri kwemakore maviri.

"Ndiri kufara zvikuru kuti ndakwanisa kuwana basa iri uye ndichaita zvese zvandinogona kuti ndigadzirise zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzemitambo," Muzvare Gadzirayi vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Chiedza Marlene Gadzira