VaChamisa Vanoti Zvainge Zvakanaka Kuti UN Itungamire Hurongwa HweSarudzo muZimbabwe

Mutungamiri weCC VaNelsomChamisa vari pamusangano kwaMurombedzi, Mashonaland West

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vati United Nations inofanira kutora danho guru mukuitwa kwesarudzo dzemuZimbabwe kuti dzisarambe dzichiita mutauro.

VaChamisa vakataura mashoko aya kwaMurombedzi kuMashonaland West nezuro.

VaChamisa vataura mashoko aya nhasi panhandare yepaMurombedzi kuvatsigiri vavo vanga vachisvika zviuru zvishanu. Vati , “Mapoka akaita seUnited Nations anofanirwa kukokwa kuti awongorore sarudzo ndinonzwa kuti haasati akokwa, anoita kuti sarudzo dzedu dzive nechiremerera.” Vadaro VaChamisa

Sachigaro weZESn VaAndrew Makoni vanoti United Nations inownzouya kuzotungamira sarudzo zvikuru kana nyika ichangobva muhondo.

VaMakoni vati, “United Nations inoenda kunoongorora sarudzo chete kana nyika iri kubuda muhondo kana kuti munyika maita mhirizhonga yakanyanya zvekuti zvinenge zvoisa hupenyu hwevanhu vakawanda panjodzi”

VaeChamisa vaenderera mberi vachiti vachakunda VaMnangagwa zvine mutsindo rwendo rwuno. Vati, “VaMnangagwa takambovakunda vakanoponera kuConstitutional Court zvino rwendo rwuno tiri kuvakunda zvinemutsindo zvekuti ndivo vachamhanya kuenda kumatare vachiti vabirwa sarudzo kuri kukundwa”

Asi vakafanobata chigaro chemukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaFari Marapira vati bato ravo rinokunda. Vaudza studio 7 kuti, “Bato redu ragara richikunda uye richakunda kana zvichienzaniswa nevanhu vakawanda vari kupinda misangano yedu.:

Vatiwo, " Mamwe mapato anopikisa ari kupindwa nevanhu vashoma vasingazadze nhandare inopinda vanhu zviuru zvina chete”

VaChamisa vati nyika ino inoda kuti vemapato ezvematongerwo vashande pamwechete nekudaro vati, "Tichange tichishanda nebato reZanu PF rave bato rinopikisa asi tinenge tichiva remekedza zvekuti mutungamiri waro tinomupa chigaro muparamende kana kuti leader of the opposition”

Asi izvi zvinonzi nemutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba zvakarambwa naVaChamisa zvakapa kuti vape chigaro chemukuru wedare reparamende kuna VaDouglas Mwonzora veMDC.

Mumwe wechidiki webato reCCC apinda mumusangano wanhasi VaLazarus Kimbini vati vafara nemashoko aVaChamisa panyaya yeminda.

VaKimbini vati, “VaChamisa vataura zvakanaka pamusoro pekuti vanhu havasi kuzotorerwa minda asi kuti vachapihwa ma title deeds kuti vagare vachityisidzirwa kuti vachabviswa muminda kana vakasatsigira rimwe bato”

Zvichakadaro, mutevedzeri wemutungamiri wenyika vaConstantino Chiwenga vange vari kuCross-Dete, Hwange, Matabeleland North uko vaita musangano nevatsigiri vebaro ravo.

Musangano wanhasi wamboda kukanganiswa nenhengo dzebato reZanu PF apo dzadaidza mapurisa dzichiti nhengo dzeTriple C dziri kuvadenha. Asi mapurisa auya akaona pasina mhirizhonga yange ichitaurwa iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Nunurai Jena