ZACC Inoti Iri Kubudirira Kurwisa Huori muNyika

Komisheni inoona nezvekurwisana nehuori, yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, inoti iri mugwara rakanaka mukupedza dambudziko rehuori, zvichitevera kukwanisa kupedza dambudziko iri nezvikamu zvingangosvika makumi manomwe nezviga zviviri kubva muzana, kana kuti 72% gore rapfuura. Asi mamwe masangano anoshanda akazvimirira, anoti huori huri kutowedzera munyika.

Vachitaura pamusangano mukuru unoitwa gore negore wekomishini iyi, sachigaro veZACC, Justice Loyce Matanda-Moyo vati gore radarika, komishini yavo yakakwanisa kudzosa mari inosvika madhora ekuAmerica mamiriyoni gumi nemaviri yainge yawanikwa nehuori.

Asi vachizvirova dundundu kudaro, zvabuda pachena pamusangano uyu, kuti kune vamwe vashandi veZACC, vari kuitawo huori zvichinzi nevamwe zvinokonzerwa nekuti vanotambira mari shoma.

Vachitaura neStudio 7 pamusangano uyu, Amai Matanda-Moyo vavimbisa kushandisa shamu ine munyu, kune vashandi vavo vakadai. Vati, “Tinoda kuti vaone kuti pavanenge vachida kuita huori, kupiwa mari hakuna kukosha."

Vaenderera mberi vachiti,"Saka tiri kupa vashandi vedu dzidziso yekuti kana huori hukaderera munyika, chikwama chehurumende chinokura, zvinozoita kuti vashandi vawanewo mari yakawanda.”

Mapurisa eZimbabwe Republic Police, ndiwo mamwe apomerwa mhosva yehuori hwemhando yepamusoro-soro, naizvozvo mukuru weZRP, VaThandabantu Godwin Matanga, vakumbirawo hurumende kuti iwedzere mapurisa mari, kuti vasiyane nezvechiokomuhomwe. VaMatanga vati, “Isu seZimbabwe Republic Police, hatibvumidzi kuti mapurisa edu aite zvechiokomuhomwe."

Vaenderera mberi vachiti, "Naizvozvo, isu sevakuru vemapurisa tiri kuendawo kuhurumende kuti itarisewo zvinhu zvinoita kuti mapurisa edu agare nekusevenza zvakanaka kuitira kuti vasapindwa nemweya wekukumbira zvechiokomuhomwe.”

Zimbabwe inonzi ndiyo imwe yedzimwe nyika dzepasi rese, dzine huori hunotyisa, kana zvichitariswa nepachikero che Corruption Perception Index.

Kunyange zvakadaro, munyori wekomishini inoona nezvematare, yeJudicial Service Commission (JSC), VaWalter Chikwanha, vayemurawo basa rakanaka ravati riri kuitwa neZACC mukurwisana nehuori munyika.

“Manzwa sachigaro veZACC vachitaura kuti panyaya dzese dzeuori dzakaferefetwa, 72% dzakabudirira, zvinova zvinofadza zvikuru. Tinovimba kuti tikaramba takadai, tinogona kusvika pa 100%. Saka tinofara nemaitirwo arikuitwa zvinhu.”

Asi mukuru wesangano reTransparency International Zimbabwe, VaTafadzwa Chikumbu, vanoti huori huri kutowedzera munyika.

VaChikumbu vati, “Mumapandiko ezvehupfumi akasiyana-siyana, akaita sekuzvicherwa, mune zvedzidzo uyewo nezvehutano, tiri kuona kuti huori huri kuramba huchiwedzera" Vatizve, "Vataura veZACC kuti vakaongorora nyaya dzinodarika mazana maviri dzehuori, zvinoratidza kuti dambudziko iri riripo chose. Vataurawo kuti vari kuferefeta nyaya idzi, asi chakakosha ndechekuti dzikwanise kutongwa kumatare edzimhosva, ndiko kuti titi nyaya idzi dziri kugadziriswa- kwete kugumira pakuferefeta chete.”

Nyanzvi inoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika yakazvimirira, Amai Fabialice Mwedzi, vanoti kunyange ZACC iri kuti iri kugona basa, zviri kuitika munyika zvinotoratidza kuti huori huri kuramba huchidzika midzi.

“Semuenzaniso, mapurisa chaiwo ane huori, kunyanya aya emumugwagwa. Kuchitiwo kumajeri, munhu ane mhosva ine makore akawanda, anogona kubuda nguva yemutongo wake isati yakwana nekuti anenge abhadhara mari." Vadaro Amai Mwedzi. Vaenderera mberi vachiti, " Vanoita zvematongerwo enyika ndivo vamwe vane huori nekuti mamwe mabhizimusi ari mumazita avo, anofanira kunge ari eruzhinji. Saka ndinopokana nemaonero eZACC ekuti huori huri kudzika munyika- huri kutowedzera.”

Musangano we ZACC uyu, waona pachiitwa kurudziro yekuti matare edzimhosva akasike kutonga vanhu vanenge vachipomerwa mhosva dzeuori, nekuti kune chinono chanzi chiri kuitika mumatare aya.

Zimbabwe inonzi panyika zana nemakumi masere (180) dzakawongororwa huori hwadzo, iyo iri padanho remazana makumi mashanu nenomwe (157), zvichireva kuti ndiyo yedzimwe dzenyika dzine huori hwakanyanya pasi rese.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Tobias Mudzingwa