Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, Advocate Nelson Chamisa, vashora mutungamiri wenyika, zvekare vari mukuru webato reZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, nemaitiro avo ekutadzisa bato reCCC kutsvaga rutsigiro mune zvakanaka, uyewo kuda kuita kuti dzimwe nhengo dzebato ravo dzisakwikwidze musarudzo dziri kuuya, kubudikidza nekumbunyikidza mashandiro ematare edzimhosva.
Vachitaura kuzviuru zvevanhu zvaungana panhandare yeRudhaka muMarondera kumusangano webato ravo wekutsvaga rutsigiro, VaChamisa vati bato ravo harisi kuzobvuma kuti nhengo dzaro gumi nembiri dzekuBulawayo, dzakanzi nematare hadzichakwanisi kukwikwidza kuva vamiriri veparamende, dzitadze kuenderera mberi nekukwikwidza.
Vashorawo kutadziswa kwava Saviour Kasukuwere kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika.
VaChamisa vati kune vakuru vemuZanu PF vakawanda vari kuvabata vachiti vachavavhotera, nekuti havasi kufadzwa nehutungamiri hwavaEmmerson Mnangagwa.
Vaendererawo mberi vakati kana vakakunda musarudzo, vachaita kuti Zimbabwe ive nyika inoerera huchi nemukaka- kungava munyaya dzedzidzo, dzehutano, dzemaindastiri kana kuti dzezvematongerwo enyika.
Mumwewo mugari wemuMarondera, vada kuzivikanwa sekuti Mai Sandi, vati bato reZanu PF rakundikana kutonga nyika, naizvozvo ruzhinji rwunofanira kubvisa bato iri muhutongi.
Mashoko aya, atsigirwa navaGodrey Karembera, vanozivikanwa nevazhinji saMadzibaba Veshanduko, vanobva kuGuruve.
Your browser doesn’t support HTML5