VaKasukuwere Voshora VaMnangagwa Vachiti Vanopindira paNyaya dzekuMatare

Kasukuwere

Vaimbova gurukota rezvevechidiki uye vari kuda kukwidza musarudzo yemutungamiri wenyika VaSaviour Kasukuwere vashora zvikuru mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachiti vanopindira zvakanyanya kune zvinenge zvichitikika kumatare.

VaKasukuwere vange vachipindura mashoko aVaMnangagwa ekuti havapindire pane zviri kuitika kumatare uye havana kana munhu mumwe chete wavakaendesa kumatare.

VaMnangagwa vakataura mashoko aya panhandare yendege vachibva kuRussia mushure mekubvunzwa nezvenhengo dzemapato anopikisa dzakawanda dzakarambidzwa kukwikwidza musaru yemututungamiri wenyika nedzedare reparamende.

Kunyangwe VaKasukuwere vakwira kudare reConstitutional Court, vachipikisa kurambidzwa kukwikwidza, mutevedzeri wasachigaro wekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission VaRodney Kiwa vaudza bepanhau reSunday Mail kuti kudhindhwa kwemapapepa ekuvhotera kana kuti ballot papers emutungamiri wenyika kwatotanga. VaKasukuwere vashora zvikuur zviri kuda kuitwa neZEC izvi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSaviour Kasukuwere

Asi gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi varamba kuti VaMnangagwa vanopindira mune zvematare vachiti akavimirira.