VaMnangagwa Vokumikidza Mugodhi Unonzi neCCC Wave neMakore Uchishanda kuBinga

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vange vari kuBinga uko vakumikidza kushanda zviri pamutemo kwekambani inochera marasha yeMucheso.

Vachitaura pachitiiko ichi, VaMngagwa vati Binga yainge yakasarira kumashure asi ivo vaunza budiriro.

Vachitaura pagungano iri, VaMnangagwa vatiwo Zanu-PF inoita zvainovimbisa asi vakati vanopikisa vanongoita basa rekutaura siku nesikati.

Vatiwo kambani iri kuchera marasha yezvizvarwa zvekuBritain iyi inofanira kuunza budiriro munharaunda. Vari kukwikwidza vakamirira Zanu-PF kuBinga North musarudzo dzedare reparamende VaKudakwashe Mavula Munsaka vatenderana naVaMnagagwa kuti vaunza budiriro munzvimbo yavo.

Asi vari kukwikwidzawo musarudzo dzemumiriri wedare reparamende VaPrince Dubeko Sibanda vati hakuna zvine musoro zvaitwa neZanu-PF kuBinga uye mugodhi uyu wakaparurwa kare munguva yehutungamiri hwamushakabvu Robert Mugabe.

Nyanzvi dzinoona nezvemamiriro ekunze dziri kushora hadzo nyika dziri kuramba dzichichera marasha sezvo zvichisvibisa mweya wekufema nekushanduka kwemamiriro ekunze.

Asi pamusangano weParis Summit kuEgypt gore rapera, VaMnangagwa vakati havasi kuzomira kuchera marasha kusvika nyika dzakabudirira dzavapa mari yekugadzira magwenya asingashandise marara.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Blessing Zulu