Bato re MDC-T rinotungamirwa navaDouglas Mwonzora nhasi raparura zviri pamutemo, gwaro raro rekutsvaga rutsigiro rwemavhoti, apo kwasara mazuva makumi maviri nematatu, kuti nyika iende kusarudzo.
Vachitaura pakuparurwa kwegwaro iri pamuzinda webato ravo muHarare, VaMwonzora vati vane chivimbo chekuti vana veZimbabwe vachavavhotera kupinda muhofisi yemutungamiri wenyika gore rino.
Vaenderera mberi vakashora danho rakatorwa nematare edzimhosva, avati anodyidzana nebato reZanu PF, rekudzivisa nhengo dzavo makumi masere nenomwe (87), kuti dzikwikwidze musarudzo dzegore rino, dzichida kuva makanzura kana vamiriri mudare reparamende.
VaMwonzora vatiwo hurumende yavo ichaita kuti zvirango zvehupfumi zvakatemerwa Zimbabwe zvibviswe, vakatiwo mune zvekurima, vachaita kuti varimi vasatenga fetiriza nemari inodarika madhora gumi ekuAmerica.
Asi vakasanobata chigaro chemukuru mubazi rezvekubuditswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira varamba mashoko ava Mwonzora aya, vachiti kutaura kuno vazhinji vave kutiza bato reMDC-T vachienda kuZanu PF, ravati bato revanhu.
Vamwe ambuya, vari nhengo yeMDC-T vasina kuda kuti zita ravo rizivikanwe, asi vachibva kuEpworth, vauya paparurwa gwaro rekutsvaga rutsigiro rebato ravo, vati vanovimba kuti nyika ino inoda hutungamiri hwavaMwonzora kuti idzokere pakubwinya kwayo kwekare.
Asi mutevedzeri wemutauriri webato reCCC, VaGift Ostallos Siziba, vanoti kuparurwa kwegwaro iri, hakuna zvakunochinja sezvo bato reMDC-T risina zvekupa vana veZimbabwe.
Nyanzvi inowongorora zvematongerwo enyika, VaLuke Chitsike, vati kunyange VaMwonzora vaine chivimbo chekukunda musarudzo dziri kuuya, chokwadi ndechekuti havana chavachawana.
Bato reMDC-T, raita bato repiri, sezvo kwakatanga ZAPU, kuzivisa ruzhinji nezvavari kuvimbisa kuita kana vakapinda muzvigaro zvemakanzura, mudare reparamende, pamwe nepahutungamiri hwenyika.
Your browser doesn’t support HTML5