VaTrump Voramba Mhosva Yavari Kupomerwa Yekuda Kurambira paChigaro

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nezuro vakamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva dzekuda kurambira pachigaro nekuramba zvainge zvabuda musarudzo muna 2020.

VaTrump vanonzi vainge vasina humbowo hwekuti sarudzo dzainge dzabirirwa sezvavaitaura nekudaro vaida kuhandisa nzira dzisiri pamutemo kuti varambe vari panyanga.

Asi pavakamiswa pamberi pedare muWashington DC nezuro, VaTrump vakaramba mhosva dzavari kupomerwa. Mutongi wenyaya iyi ndi Amai Moxila A. Upadhyaya.

VaTrump vane dzimwewo nyaya dzavari kupomerwa dzekuti vakatora magwaro ehurumende akakosha ndokuenda nawo kumba asi vachifanira kuuasiya pavakange vasiya chigaro chekutungamira nyika. Vatiwo vari kuda kuti dare repamusoro soro ripindire sezvo vachiti vave kumbunyikidzwa nechikonzero chekuda kuvakanganisa kutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

Asi hurumende inoti hapana munhu ari pamusoro pemutemo nekudaro matare anofanira kupihwa mukana wekutonga akasungunuka.

Izvi zvatsinhirwa negweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vaudza Studio 7 kuti i zviri kuitika muAmerica zvinoratidza hutongi hwejekerere uye zviri kuratidza kuti inyika inokoshesa mutemo zvisina kuti wabva mumba maaani.

Vatiwo nyika dzemuAfrica dzinofanirwa kudzidza pane zviri kuitika muAmerica. VaMasiye vati, "Zvatiri kuoona zvichiitika muAmerica zvinoratidza kuti nyika iyi inotevedzera bumbiro remutemo."

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKennedy Masiye.mp3