Vanhu Gumi Vasungwa Vachipomerwa Mhosva yeKuponda Nhengo yeCCC

Mapurisa anoti akasunga vanhu gumi mukuferefeta kwavo chakakonzera rufu rwaTinashe Edson Chitsunge, mutsigiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change muHarare nezuro kuGlen Norah.

Mapurisa azivisa izvi padandemutande reTwitter. VaChitsunge nevamwe vatsigiri veCCC vanonzi vakatemwa nematombo nekurwiswa nevatsigiri veZanu-PF nezuro

Vari kukwikwidza vakamirira bato reCCC musarudzo dzenhengo dzedare reparamende VaTrustwell Chikomo vaudza Studio 7 kuti musangano wavo wainge wapihwa mvumo yekuitwa nemapurisa paTanaka Grounds. Asi vanoti vatsigiri veZanu-PF vakafumobata jongwe muromo ndokutanga kutamba nhabvu nekuridza mimhanzi kuti musangano uyu usaitwa.

Vanoti vakadaidza mapurisa anodziviriea mhirizhonga kuti vabvise vatsigiri veZanu-PF ava asi izvi hazvina kubatsira sezvo vakabva vatanga kurwiswa zvakasimba nevatsigiri veZanu-PF vainge vaine matambo.

Vamwe vakaona zvakaitika vanoti VaChitsike vakarohwa nedombo vachitiza ndokubva vadonha vakatsikwa nerori yainge iine vatsigiri veCCC ichimhanyiswa nevatsigiri veZanu-PF.

Vakafanobata chigaro chemukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaFarai Marapira vashora chiiitiko ichi cakakurudzira mapurisa kuti aferefete nyaya iyi.

Masangano akawanda anorwira kodzero dzevanhu akaita seAmnesty International neHuman Rights Watch agara ataura kuti Zimbabwe haikwanise kuita sarudzo dzakachena nekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu munyika uye mitemo inodzvinyirira vanhu. Asi hurumende inoti yaita zvose zvinodiwa kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena.

Asi veCCC vanoti vange vachirambidzwa kuita misangano yavo nemapurisa uye vatsigiri veZanu-PF vari kukonzera mhirizhonga vamwe vachitoti mutungamiti weCCC VaNelson Chamisa vaurayiwe havasi kusungwa.