Muimbi weMusambo weAfro Fusion, Lenin Guveya, weChikwata cheVadzimba, Anobura Kambo Katsva Kanonzi "Free Wifi"

LENIN GUVEYA

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino taita hurukuro nemuimbi anorova musambo weAfro Fusion achiimba ari muHarare, Lenin Zvidzayi Guveya.

Lenin audza Studio 7 kuti akazvarirwa kwaMachipisa mumusha weHighfields muHarare, uye akakurira mumhuri yaiita zvemagitare sezvo baba vake vaiimbawo mumazuva avo nezvikwata zvakasiyanasiyana.

Anoti akazotanga kuimbawo nechikwata chemumwe muimbi ane mukurumbira, Roki, uko kwaanoti ndiko kwaakazotangawo kunyora nekutsikisawo mimhanzi yake.

Iye zvino ane kambo katsva kaanoti veruzhinji vari kufarira kanonzi “Free Wifi”, kakaburwa mazuva mashoma apfuura.

Your browser doesn’t support HTML5

VIDHEYO YEKUONA- Lenin Guveya

Lenin anoti anotenda vatsigiri vake nekutevera mimhanzi yake uye anoti inowanikwa padandemutande reYouTube nezita rechikwata chaanoimba nacho cheVaDzimba Band.

Anoti vanoda kumubata vanomuwana panhamba dzenharembozha dzinoti +263 787 155 825 kana patsambambozha inoti lguveya09@gmail.com

Tinokupai chimwe chirongwa chemagitare nemusi weChishanu svondo rinouya.

Kune vaimbi vanoda kuti titaure navo pachirongwa chedu pano paStudio 7 tibateyi panhamba dzeWhatsapp dzinoti +1 202 465 031.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro Na Lenin Zvidzayi Guvheya.