Vedzisvondo neVemapato ezveMatongerwo eNyika Vanonyorerana Chibvumirano cheRunyararo Vachiti Nyika Inofanira Kuita Sarudzo muRunyaro

Peace Pledge Agreement

Vedzisvondo pamwe nemapato ezvematongerwo enyika anosanganisira CCC neZanu PF nhasi vasainirina chibvumirano cherunyararo kana kuti Peace Pledge, vachitsidza kuti nyika inofanira kuita sarudzo murunyaro.

Vachitaura pasaimwa chibvumirano ichi, mutungamiriri wesangano rinomirira vedzisvondo munyika, reZimbabwe Heads of Christian Denominations, Bishop Never Mparutsa, vashora mhirizhonga yave kuitika munyika vachiti zvinogoneka chose kuita sarudzo dzisina mhirizhonga.

“Ngativhoteyi murunyararo, ngatitsvageyi rutsigiro murunyraro, ngapashaye munhu angafe nekuda kwesarudzo kana kukuvara nekuda kwesarudzo. Tati isusu tiri vana veZimbabwe, tiri vana vemunhu mumwe chete, tiri vana veDzimbabwe, ngatidananei, ngatisarudzie vatungamiriri vedu murunyararo ndozvatawirirana pano nevezvematongerwo enyika vasaina pamberi pamabhishopu.

Amai Elisabeth Valerio vachisaina.

Vaenderera mberi vachiti kuva nemuono wakasiyana panyaya dzematongerwo enyika hakufanira kuparadza hukama pavana veZimbabwe, vakati zvakaitika nezuro kuGlen Norah apo pakaurawa nhengo yeCCC VaTinashe Chitsunge pamhirizhonga yezvematongerwo enyika hazvifaniri kuitika zvachose.

“Hatiddi kuti tife kana kukuvadzana nenyaya dzesarudzo, tiri kusarudza vatungamiriri tiri vamwe chete, tiri vana vemunhu mumwe chete.

Vakurudzira mapato ezvematongerwo enyika, vari kukwikwidza, veruzhinji navose vane chekuita nesarudzo kuti vaparidze nekuvhota murunyararo.

Mutungamiriri weZimbabwe Council of Churches zvakare vari bhishopu veAnglican Church Central Zimbabwe Diocese, Bishop Ignatius Makumbe, vati kusaimwa kaitwa chibvumirano cherunyararo uku kunoratidza kuti vana veZimbabwe vane nyota yerunyararo.

“Kana tisina runyararo hatigoni kubudirira. Kudana ndochinhu chatirikuda kuti ridzidzisane kuti Zimbabwe ive nyika yakasununguka kuti munhu wese aiite zvaanoda.

Vasaina vakamirira bato reCCC, VaIan Makone, vaudza Studio 7 kuti vakatsamwa chose nemhirizhinga iri kuitika munyika asi vanoda runyararo.

PeVaIan Makone veCCC vachisaina.

“CCC ibato rerunyararo,hatidi mhirizhonga, hatidi kudeuka kweropa, saka pese pese panotaurwa zverunyararo, munotiwona tiri padhuze asi hazvirevi kuti zviri kuitika munyika tinozvifarira”

Vati shuviro yavo ndeyekuti vamwe vasaina chibvumirano ichi vakaita seZanu PF, iyo iri kupomerwa mhosva zhinji dzemhirizhonga munyika, vatevedzere chibvumirano chavasaina nhasi.

VaFortune Chasi, vanove mutevedzeri wemunyori anoona nezvemutemo mubato reZanu PF, avo vasaina vakamirira bato ravo, vaudza Studio 7 kuti Zanu PF yakazvipira kupinda musarudzo pasina mhirizhonga.

“Takazvipira kuti tinge tichipinda musarudzo pasina kurovana kana kutukana kwevanhu kana kupwanyhwa kwezvinhu zvevaridzi, ndomugariro watagara tiinawo, ndozvatiri kutarisira kuti sekunyora kwataita pajekerere ndozvatiri kuda kuti tione kuti munhu wese ari muZanu PF ange achiita. Anezenge asin kuita izvozvo ngaazive kuti achasangana nemapurisa.”

Nhengo yeZanu PV, VaFortune Chasi.

Kunze kweZanu PF neCCC, mamwe mapato asaina chibvumirano ichi anosanganisira Movement for Democratic Change inotungamirirwa naVasDouglas Mwonzora, United Zimbabwe Alliance neUnited African National Congress.

Pasi pechibvumirano chanhasi ichi, mapato aya atsidza kuita zvinhu zvinomwe zvinosanganisira kutevedza mitemo yakatarwa mubumbiro remitemo inosunga nyaya dzesarudzo, kana Code of Conduct, pamwe nekushoropodza uye kusiya tsika yekukurudzira mhando ipi zvayo yemhirizhonga.

Mukuru wesangano rinokurudzira runyararo munyika, re4H Zimbabwe, VaJohn Muchenje, vaudza Studio 7 kuti vanovimba kuti mapato ose ezvematongerwo enyika achatevedza chibvumirano chanhasi ichi.

“Zvinofadza nekuti kana tikaona mapato anga aripano, bese vari kutura nyaya dzerunyararo, vesvondo vari kutaurawo nyaya idzodzo nekurudzira vedzisvondo neveruzhinji muZimbabwe kuti vachengetedze runyararo pasarudzo zvinhu zvinofadza kuona vanhu vachiwirirana kutaura nyaya idzi."

Mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga

Mukuru wemapurisa, Commissioner General Godwin Matanga, vatiwo vanotsigira chibvumirano chanhasi.

Vanhu vanodarika mazana mashanu, kusanganisiria vamiriri venyika dzakaita seAmerica nenyika dzekuEurope vaitawo zvapupu pakusainiranwa kwechibvumirano ichi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Godwin Mangudya