Hurumende yeAmerica inoti haioni Zimbabwe ichiita sarudzo dzakachena nekuda kwemhirizhonga pamwe nezvimwe zviri kuitika munyika.
Vachitaura nenhepfenyuro yeVoice of America nemusi weChina, mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekudyidzana kweAmerica neAfrica, Amai Molly Phee, vakati vanoshoropodza mhirizhonga yezvematongerwo enyika, zvisineyi kuti yaitika munyika mavo kana muZimbabwe kana mune dzimwe nyika dzose.
Amai Phee vakati hazvigoneki kuti kuve nehutongo hwejekerere hunoshada kana vanhu vachityisidzirwa nemhirizhonga.
Vakati zvinozivikanwa kuti mukutanga kwegore pakaonekwa mienzaniso yemapato ezvematongerwo enyika pamwe nevana veZimbabwe vaishandisa kodzero dzavo vachisungwa nekurohwa nemapurisa, vachiti zvese izvozvo hazvitarisirwe kunge zvichiitwa nehurumende inoti inoda sarudzo dzakachena.
Panyaya yekuongororwa kwesarudzo, Amai Phee vakati vanofadzwa nekukokwa kwakaitwa nyika yavo kuti inge ichiongororawo sarudzo muZimbabwe, vakati nyika yavo ichatumirawo vaongorori vayo.
Asi vakati vane hurombo kuti vari kuona mhirizhonga izvo zvinoita kuti vasaona sarudzo dzichaitwa musi wa 23 Nyamavhuvhu, unove mwedzi uno, dzakachena uye kujeka.
Amai Phee vakati vanogona kupa muenzaniso wekuti sei vari kushushikana nezviri kuitika muZimbabwe , vachiti sekuziva kwevanhu vose mwedzi wapera mutemo mutsva unonzi Patriotic Act wakadzikwa munyika.
Vakati mutemo uyu unosunga kodzero dzevanhu dzinofanirwa kunge dzichibvumidzwa nebumbiro remitemo yeZimbabwe, pasi peAfrican Union pamwechete nekuzadzisa zvinotarisirwa pasi peUnited Nations, zvinosanganisira kodzero dzekuungana mekutaura kwakasununguka.
Amai Phee vakati shoko ravo guru kuhurumende yeZimbabwe nderekukumbira kuti hurumende nevatsigiri vayo vasiyane nechero mhirizhonga kuzvizvarwa zviri kuedza kuzadzisa kodzero yazvo mune zvematongerwo enyika.