Mapurisa Oferefeta Rufu rwaVaTomana

VaJohannes Tomana

Mumiriri weZimbabwe kuDRC uye vaimbova gweta guru rehurumende VaJohanes Tomana vashaya nhasi mushure mekurwara nemudumbu kwenguva pfupi nemudumbu. VaTomana vange vave nemakore makumi mashanu nemashanu ekuberekwa.

Vanonzi vatanga kurwara mushure mekuenda kumusha kwavo kuHonde Valley kuManicaland.

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaLevit Mugejo vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti VaTomana vashaya vakati vachazozivisa zvizere munguva pfupi inotevera.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko aVaLevit Mugejo

Hatina kukwanisa kubata mapurisa ekwaMutare kuti tinzwe kuti ichokwadi here kuti vadaidzwa kuzoferefeta rufu urwu sezviri kutaurwa nemamwe mapepa nhau.

Asi bepanhau repadandemutande reZimlive rinoti mapurisa adaidzwa nehama dzavo kuti vaferefete kuti chii chavadya.

Kutyorwa kwekodzero dzevanhu.

VaTomana, vaimbova mutevedzeri wegweta guru rehurumende vakasarudzwa kutungamira hofisi iyi nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe muna 2008. Vakatora basa iri kubva kuna VaSobuza Gula Ndebele avo vakange vadzingwawo basa

Vari muhofisi, VaTomana vakapomerwa mhosva dzakawanda dzekusachuchisa vanhu vaipomerwa mhosva dzekuponda, nekuita kafiramberi vanopikisa zvikuru veMDC. Vamwe vanonzi vaityorerwa kodzero dzavo vatori venhau nevamwe. Magweta aigarawo achisungwa kusanganisira gweta rine mukurumbira VaAlex Muchadehama.

VaTomana vakatemerwa zvirango neAmerica muna 2010 vachipomerwa mhosva yekutarisa kuti wabuda mumba maani mukuchuchisa nekutyora mutemo zvakanyanya.

Kudzingwa Basa.

Muna 2017, VaTomana vakadzingwa basa namushakabvu Mugabe vachipomerwa mhosva dzehuori, kutyora bumbiro remitemo nedzimwe. Vakadzingwa mushure mekunge paumbwa dare kana kuti tribunal yaitungamirwa nevaive mutongi wedare repamusoro VaMoses Chinhengo.

Paimwe yaya yavakadzingirwa basa, VaTomana vaipomerwa mhosva yekuramba kuti vaive chipangamazano cheRBZ VaMunyaradzi Kereke vainge vabata chibharo vachuchiswe..

Mumiriri weZimbabwe kuDRC

Mutungamitri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakadoma VaTomana kuita mumiriri wenyika kuDRC muna 2020.