CCC Yovimbisa Mabasa, Kupedza Huori Mukuparura Gwara Raichatora Ikasarudzwa

VaNelson Chamisa

Mutungamiri webato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNeson Chamisa nezuro vakaparura gwaro rine gwara ravachatora vakasarudzwa kuti vatungamire nyika kana kuti “manifesto.”

Hurongwa uhu hwakatirwa paMatshamhlope kuBulawayo.

Gwaro iri iro rinotungamidza Mwari pamberi rine mapeji zana rinonzi uye rinzonzi, “A New Great Zimbabwe Blueprint For Everyone”

Rinovimbisa kuumba mabasa anosvika kumamiriyoni uye rinoti nyaya dzekutongwa kwenyika dzinenge dzoitirwa muguta reGweru kwete muHarare.

Bato iri rinotiwo dare remakurukota rinenge riine vanhu gumi nevashanu chete. CCC inoti vana vechikoro vanenge vodzidzawo pachena. Bato iri rinotiwo vashandi vari pamabasa nevari pamudyandigere vanenge vopihwa mari dzakafanira.

Mazuva zana ekutanga

Mumazuva zana ekutanga kana VaChamisa vakasarudzwa, bato iri riri kuvimbisa kutanga kuita zvinhu makumi maviri zvinosanganisira kusungunura vari mumajeri, kugadzirisa nyaya yedzidzo yeCALA isiri kufarirwa nevabereki vakawanda. Kubvisa mari yemabond uye kudzikamisa hupfumi. Kumisa nyaya yekubiwa kwezvicherwa, kurwisa dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka nezvimwe.

Mutevedzeri wemutauriri webato reCCC Va Ostalos Gift Siziba vaudza Studio 7 kuti bato ravo rinovimbisa kushandura zvinhu kana rave muhurumende

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro Na Va Ostalos Siziba

Zvichakadai, mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vanga vari KuMberengwa vachitsvaga rutsigiro uko vaendawo kunoona chipatara cheMataga Mini Hospital.

Mutevedzeri wemunyori mubato re ZANU-PF VaKembo Mohadi vange vachitsvagawo rutsigiro nhasi pamberi pesarudzo vari ku Bulawayo.

Mukuru muhofisi yekuburitswa kwemashoko ZANU PF VaFarai Marapira vanoti bato ravo rakagadzirira zvakakwana kupinda nekukunda musarudzo dzri kuuya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaVAFarai Muroiwa Marapira