CCC Yonyorera ZEC Tsamba Kuti Itorere Matanho VaMutodi Nekuridzira Pfuti Pamusangano Wayo

VaEnergy Mutodi

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change nhasi raendesa tsamba yenyunyuto kukomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC ichikurudzira kuti itorere matanho vaimbova mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko uye vachikwikwidza vakamiririra Zanu-PF kuBikita VaEnergy Mutodi pamhosva yavari kupomerwa yekuita zvemhirizhonga

Mutsamba renyunyuto iyi, VaJohn Mupanduki vakamirira Tripple C vati VaMutodi vakatyora mutemo wesarudzo nekuita zvemhirizhonga vachipomerwa mhosva yekuridzira pfuti nhengo dzeCCC dzaiita musangano wadzo kuBikita South.

VaMupanduki vati, “Nhasi taendesa tsamba yenyuto kuZEC nenyaya yekuti vatonge VaMutodi avo vakaita mhirizhonga paBaradzanwa pavakaridzira vatsigiri vedu pfuti.”

Bato reCCC rinoti rakamhan’arira VaMutodi kumapurisa asi nyaya iyi yakasendekwa parutivi sezvo mupurisa aiita nyaya yacho, Constable Tapiwa Chiweshe, vanonzi bviswa pavaishanidira kuBikita vakaendeswa kuMasvingo.

Mutauriri wemapurisa muMasvingo, Inspector Kudakwashe Dehwa, vati vachabata mapurisa ekuBikita kuti vanzwe kuti nyaya yavepapi. VaDehwa vati, “Regai tibate Bikita tinzwe kuti zvakamira sei,” Vadaro Inspector Dehwa.

VaMupanduki vati kana ZEC ikatadza kubata nyaya iyi nemazvo vachaenda kumatare.

Mukuru weZEC kuBikita, VaMaxwell Mashavave, vatenda kuti vagamuchira tsamba iyi. “Ndaudzwa kuti vasiya tsamba kuhofisi saka ndati iuye kuno ndinzwe zviri mukati mayo kuti ndizive kuti ndini ndotaura kana bazi redu rezve mutemo, VaMashavave vadaro.

Chikamu 105 chemutemo wesarudzo kana kuti Electoral Act chinoti vanokwikwidza havabvumidzwi kuita mhirizhonga kana kutyisidzira vanhu kuti vawane mavhoti uye mutongo wavo vakabatwa vanogona kumiswa kukwikwidza musarudzo.

Asi VaMutodi vati vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya. Vati, “Petition yavo icharamba iri petition, tisu taifanira kuiita nekuti ndivo vakatema mota dzedu asi takangozvisiya nekuti toziva kuti election inopedzwa nekuvhota.”

Zvichakadaro, sangano rinorwira kodzero dzevanhu reCommunity Tolerence, Reconciliation and Development (COTRAD) rati nyaya dzemhirizhonga dziri kuwedzera mudunhu reMasvingo.

Mukuru webasa musangano reCOTRAD, VaZivanai Muzorodzi vati kubva pakatarwa zuva resarudzo, sangano ravo rakanyora pasi nyaya dzemhirizhonga dzakawanda. Vati, “Nyaya dzemhirizhonga dziri kukwira muMasvingo parizvino tanyora pasi nyaya dzinosvika 30 kana 40.”

COTRAD yati iri kuita zvirongwa zvekukurudzira vanhu kuti vanovhota murunyararo kunyaya kumaruwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godfrey Mtimba