Amai Valerio Vanoti Vane Mazano eKugadzirisa Hupfumi

Amai Elizabeth Valerio veUnited Zimbabwe Alliance.

Mutungamiri webato rinopikisa reUnited Zimbbwe Alliance, Amai Elisabreth Valerio vamova mudzimai mumwe chete ari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vaudza Studio 7 kuti vane mazano ekugadzirisa hupfumi uho hwananga kumawere kana vakasarudzwa kutungamira nyika musi wa 23 Nyamavhuvhu.

Amai Valerio vati nyika inofanira kunge ichishandisa mari yayo kuti ikwanise kugadzirisa hupfumi kwete kushandisa madhora ekuAmerica.

Vatiwo kudzikamisa dhora remuZimbabwe zvinokwanisika chete kana maindustry achishanda uye pasina huori mukutengesa zvicherewa zvenyika. Vatiwo vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro soro vanofanira kukurudzirwawo kuita tsvakiridzo dzekusimudzira maindustry nekugadzira zvinhu zvinozotengeswa kune dzimwe nyika.

Zvirango

Panyaya yezvirango, Amai Valerio vaudza Studio 7 kuti hazviganzi ndizvo chete zvauraya hupfumi hwenyika sezvo Zimbabwe ichiri kukwanisa kutengeserana nenyika dzacho dzakatemera zvirango.

Vati nyika idzi dziri kupawo Zimbabwe mari yerubatsiro zvikuru mune zvekudya nezvehutano.

Vati chikuru chinodiwa kuitwa neZimbabwe kuona kuti yabhadhara zvikwereti zvayo kunyika dzekunze nemabhanga akaita seWorld Bank.

Asi hurumende inoti hayo zvirango izvi ndizvo zvapa kuti hupfumi hweZimbabwe hugwadame sezvo isiri kupihwa zvikwereti.

VeWorld Bank neIMF vanoti Zimbabwe haisi kukwereteswa mari sezvo isiri kubhadhara zvikwereti.

America nedzimwee nyika dzakatemera zvirango dzinoti hazvina kutemerwa nyika asi vakuru vashoma vanotonga nedemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Elisabeth Valerio