Mutungamiri weBotswana, VaMasisi Vokurudzirwa Kuti Vatungamire Vamwe Vatungamiri vemuSADC muKushoropodza Mhirizhonga muZimbabwe

Mutungamiri weBotswana VaMokgweetsi Masisi. (Mqondsisi Dube/VOA)

Kurudziro yemubatanidzwa wemasangano anorwira kodzero dzevanhu muBotswana iyi iri kuuya mushure mekuurayiwa kwemutsigiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kana kuti CCC, VaTinashe Chitsunge, svondo rakapera nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZANU PF, uye sangano iri ratora danho iri sezvo muzinda weSADC uri muBotswana.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muBOCISCOSA, VaThapelo Ndlovu, vaudza Studio7 kuti pamwe mamiriro ezvinhu angashanduka munyika kana vatungamiri wenyika dzemuSADC vakatungamirwa naVaMasisi pakufambisa shoko resarudzo dzisina mhirizhonga.

“Tinokurudzira dzihurumende dzemuSADC kunyanya hurumende yeBotswana sezvo muzinda wegungano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica kuti dzishore mhirizhonga iri kuitika muZimbabwe. Tine chivimbo chekuti kana izwi rabuda, hurumende yeZimbabwe ichayedza kumisa mhirizhonga iyi nokuti zviri kuitika zvinonyadzisa.”

Vaenderera mberi vachiti: “Mhirizhonga iri kuitika muZimbabwe pamwe nekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu kuchatadzisa zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvinovhota zvakasungunuka. Totenda maruva tadya chakata kuti zvichabuda musarudzo zvichave zvido zvevanhu.”

SADC

Mutauriri wehurumende yeBotswana, VaJohn Dipowe varamba kutaura neStudio7 vachiti Zimbabwe inyika yakazvimirira, vachitwoi Botswana haina mvumo yekupindira mune zvematongerwo eimwe nyika.

Pavakanobata maoko mhuri yekwaChitsunge, mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa, vakati itsika yeZANU PF kupfuvisa vanopoka nayo.

“ZANU iri kuzviziva kuti apa hapachina chayo. Ndotenderera kwese uko, ndosaka ivo vari kutinha vanhu. Vanhu Havana rugare mudzimba umu, vanhu vari kufudzwa, kupinzwa mumakeep chaimo.”

Asi mutevedzeri wemunyori anoona nezvemutemo muZANU PF, VaFortune Chasi, avo vakamirira bato riri pakusainwa kwemhiko dzeruranyararo, vati vese vanoita mhirizhonga vakafanira kusungwa nekurangwa pasina tsvete zvisineyi nekuti vabuda mumba maani.

“Isusu semusangano weZANU PF takazvipira kuti tinge tichipinda musarudzo pasina kurovana kwevanhu kana kutukana kana kupwanya kwezvinhu zvevaridzi. Hazvina basa kuti ndewebato ripi, anenge awanikwa nemhosva, mapurisa ngavaite zvavanofanirwa kuita munhu ayende kumatare. Isusu semusangano hatipindire kana munhu achinge atora nemutemo oisa mumaoko ake.”

Vanorwira magariro evanhu akanaka munyika uye vari mukuru musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Mbofana, vati.

“Panoti netsei kuti VaMasisi vaonekwe vachishoropodza hurumende yeZimbabwe nokuti vakavirirana kunge bhandi nebhurugwa vachiita zvirongwa zvakawandawanda, vachishanyirana nyika dzavo.

"Tinoona kuti pakambouya VaMasisi kuno kuZimbabwe, nyaya yavainyanyo taura nezvayo ndeyekuti zvirango zvakatemerwa nyika zvakafanira kubviswa. Saka kuzoona mutungamiri akadaro aakushoropodza hurumende yaVaMnangagwa kuti muri kushusha vanhu, muri kumbunyikidza kodzero dzevanhu, muri kurova vanhu, hationi zvichiitika izvozvo.”

Nhengo dzeCrisis Coalition

Zvichakadaro, sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition riri muBotswana mushure mekukokwa neBOCISCOSA uye riri kuitawo misangano nezvizvarwa zveZimbabwe zvinogara munyika iyi nechinangwa chekuzvikurudzira kuti zviende kumusha kunovhota musi wa23 Nyamavhuvhu.

Sachigaro wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPeter Mutasa, vati zvizvarwa zveZimbabwe zvakafanira kuda nyika yazvo uye zvisasundwe mune zvematongerwo enyika.

“Zvakakosha ndezvekuti vanhu vagare vari munezve matongerwo enyika yavo nekuti kugara kunze hakusi kuda inhamo. Mumwe nemumwe anoda kuti adzoke kunyika yake. Husiku huchapera, kunze kuchayedza. Mumwe nemumwe anofanira kuzodzosa kumusha achiogara zvakasungunuka munyika yake. Asi izvi zvinouya nekuishandira nekuyirwira.”

Gwaro rakaburitswa neZimStat rakaratidza kuti kune zvizvarwa zveZimbabwe zviuru makumi mana nezvinomwe kana kuti 47,000 zvinogara muBotswana.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Shingirai Madondo