Bato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change raita musangano wenhengo dzaro muNkulumane 12, muBulawayo, wekutsvaga rutsigiro pamwe nekuratidza kuruzhinji nhengo dzaro gumi nembiri dzichakwikwidza dzakarimirira musarudzo dzeparamende mudunhu reBulawayo.
Izvi zvinouya mushure mekunge nhengo idzi dzachenurwa nedare kuti dzikwikwidze.
Mutevedzeri wemutauriri weCCC, VaGift Ostalos Siziba, vanoti musangano wavo uyu wasanganisa nhengo dzinobva kuNkulumane, Pelandaba neSizinda, uye wanga uchikurukura kwakananga bato ravo parwendo rwavo rwekuenda kuparamende sezvo nyika yatarisana nesarudzo.
“Vazhinji vanenge vachida kunzwa kuti imi saMP VaSiziba zvii zvamuchatiitira? Saka tanga tichiparura hurongwa, our agenda for parliament, 10-point plan yekuti kana tapinda muhurumende tinenge tichigadzira zvipi?” VaSiziba vanodaro.
Vanoti vawana mukana wekutaura nezvavachaita kana vapinda muhurumende, uye kuti VaChamisa ndezvipi zvavanenge vachigadzira?
“Tataura nenyaya yema Title Deeds achapiwa vanhu, nyaya yekudzidza mahara pa primary education, free from Grade 1 to 7. Tadhisikasa nenyaya ye free primary health care, tatarura nevanhu maererano nenyaya dzatiri kuda kugadzirisa kudzosa Zimbabwe into the Commonwealth,” vanodaro VaSiziba.
Vazivisa kuti mangwana Svondo mutungamiri webato ravo VaNelson Chamisa vachange vachisangana nevatsigiri vavo munhandare yeMamutse kuMasvingo pamusangano wavanoti uchange uri mukuru kwazvo.
VaChamisa vanonzi nevari kuongorora mafambiro ari kuita sarudzo ndivo chete munhu achakweshana zvakasimba nemutungamiri weZanu PF vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pavanhu gumi nemumwe vari kurwira chigaro chemutungamiri wenyika musarudzo dzemusi wa 23 Nyamavhuvhu, unove mwedzi uno
Your browser doesn’t support HTML5
.