VaMumba vekuZambia Votungamira Chikwata cheSADC Kuzoongorora Sarudzo dzeZimbabwe

VaNevers Mumba

Sangano remubatanidzwa wenyika dzekumawirira reSADC rinoti richatumira vaongorori vesarudzo kuZimbabwe nemusi weChishanu. Asi vaongorori ava vari kuenda kuZimbabwe pave kuatidza kuti pavekuita ropa rakaipa pakati pehurumende nevamwe vari kuongorora sarudzo vave kugara vachiroverwa bembera mubepanhau reHerald.

Mutungamiri webato rinpikisa muZambia reMovement for Multi-Party Democracy Doctor Nevers Mumba vekuZambia ndivo vachange vachitungamira chikwata cheSADC Electoral Observation Mission chiri kuuya kuZimbabwe ichi.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muSADC, Amai Barbara Lopi vaudza Studio7 kuti vaongorori vesarudzo ava vachaendeswa kumativi mana enyika

Amai Lopi vati chikwata ichi chichaongorora mafambiro esarudzo kuti anoenderana here nemutemo weSADC Principles and Guidelines Governing Democratic Elections uyo vakawandudzwa muna2021. Mumashoko kuvatori venhau, SADC yatiwo sarudzo dzeZimbabwe dzinofanira kutevera zviga zveAfrican Union neUnited Nations zvinokoshesa kodzero dzevanhu.

SADC yatiwo iri kushushikana nemashoko emutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba mubepanhau reHerald ekuti vachadzinga vamwe vaongororori vesarudzo vanonzi vari kuita zvematongerwo enyika.

Nhasi bepanhau reHerald raenderera mberi richishora vaongorori vesarudzo kubva kuCarter Centre rinotungamirwa nevaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaJimmy Carter uye reEllen Sirleaf Johnson Presidentiall Centre for Women rinotungamirwa nevaive mutungamiri wenyika yeLiberia Amai Ellen Sirleaf Johnson. Nyaya yekudzinga vaongorori veEU muna 2001 yakapawo kuti Zimbabwe itemerwe zvirango negungano iri.

Vachipawo pfungwa dzavo nezvechikwata ichi, mutungamiri weMDC VaDouglas Mwonzora vakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika vachiti zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka vati SADC yadya manonoko.

SADC yagara hayo iine chimwe chikwata kubva kumuzinda wayo kana kuti SADC secretariat chakapinda munyika musi wa 10 Nyamavhuvhu.

Hatina kukwanisa kubata vanoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato reCCC asi mutungamiri webato iri VaNelson Chamisa vari kuchema chema kuti sarudzo dzemunyika dzinoita kunge hondo vachikurudzira SADC kuti itore matanho.

Vakafanobata chigaro chemukuru muhofisi yekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaFarai Marapira vaudza Studio 7 kuti vanopikisa vagara vanongoda kurova bembera kuSADC psina zviripo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda neMedlico Research and Training Centre muHarare, VaSydicks Muradzikwa vati SADC imbwa isina meno.

Zimbabwe iri kyuita sarudzo musi wa 23 Nyamavhuvhu asi mangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seCrisis in Zimbabwe Coalition, Amnesty International, Human Rights Watch nehurumende yeAmerica vagara vati Zimbabwe haingakwanise kuita sarudzo dzakachena nekuda kumbunyikidza kodzero dzevanopikisa.

Doctor Nevers Mumba vekuZambia ndivo vachange vachitungamira chikwata cheSADC Electoral Observation Mission chiri kuuya kuZimbabwe ichi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Shingirai Madondo