Apo kwasara mazuva manomwe kuti nyika iyende kusarudzo dzegore rino, nhasi kune zvikwata zvabva kusangano reSouthern African Development Community (SADC), nekuCommonwealth, zvasvika munyika kuzowongorora sarudzo idzi.
Vachitaura nevatori venhau panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport mangwanani anhasi, vari kutungamira vowongorori veSADC, VaNervers Sekwila Mumba vekuZambia, vati vauya kuzobatsira kuti Zimbabwe iite sarudzo dzakachena.
“Tavinga kuzoongorora sarudzo nechivimbo chekuti vana vemuZimbabwe vachasarudza mutungamiri wavo wavanoda. Chishuwo chedu ndechekuti sarudzo idzi dziitwe murunyararo. Isu tauya kuzowongorora chete, kwete kuzobatsiridza pakusarudza.”
Vauya vachitungamira vawongorori veCommonwealth, Muzvare Amina Mohamed vekuKenya, vaudzawo vatori venhau kuti panguva ino, havana zvizhinji zvavari kukwanisa kutaura.
VaJoachim Chisano, vaimbove mutungamiri weMozambique, vapindawo munyika nhasi, kuuya kuzoongorora sarudzo idzi.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaElton Ziki, vanoti kuuya kweSADC neCommonwealth kuzowongorora sarudzo dzemuno, kunopa nyika yeZimbabwe mukana wekuratidza pasi rese kuti inokwanisa kuita sarudzo dzisina chipomerwa.
“Nyika ino haina chairi kuvanza, ndiko saka iri kudaidza vawongorori vesarudzo dzegore rino. Ivowo vawongorori ava vakakoshera kuti vanozotarisa zvakawanda mukuitwa kwesarudzo- kuti dziri kuitwa pajekerere here kuchitevedzwa mitemo yenyika here, uye kodzero dzevanhu dziri kuremekedzwa here.”
Asi kune vamwe vari munyika, vakafanana nemuongorori wezvematongerwo enyika, VaLuke Chitsike, vanoti masangano emibatanidzwa yenyika dzemuAfrica akaita seSADC neAfrican Union, akafanana nembwa inohukura zvikuru asi isina mazino ekuruma, kana vachiongorora nyaya dzesarudzo dzemuno.
“Masangano akaita seSADC neA.U, tichisanganisira ikozvino kuuya kwaVaChisano, agara achiuya kuzowongorora sarudzo dzemuno. Asi igaroziva kuti masangano aya anongotenderana nezvinenge zvaturwa neZimbabwe Electoral Commission, musarudzo dzedu dzagara dziine mhere-mhere. Asi zvakanakawo kuti rwendo rwuno, Commonwealth yauyawo kuzowongorora sarudzo, sezvo riri sangano rakakoshera Zimbabwe panguva ino.”
Asi Muzvare Linda Masarira, mutungamiri webato reLabour Economists and African Democrats, havawirirani nemuono uyu.
“Dambudziko hombe munyika yedu nderekuti tine mapato anoda kuti vawongorori vesarudzo ava vataure zvavanoda kunzwa ivo semapato. Asi vawongorori ava vanonyora zvavanenge vaona munguva yesarudzo, zvinova zvinozotsoropodzwa nevanenge vasingawirirani nezvavanobuditsa.”
Imwe nyanzvi inoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaLazarus Sauti vaudza Studio 7 kuti vaongorori veSADC neCommonwelath ava vatodya manonoko.
“Vaifanirwa kukurumidza kuuya munyika kuitira kuti vaone mashambadziro anga achiita mapato ezvematongerwo enyika. Kukasikawo kuuya kwaivabatsira kuti vazvionerewo kana mapato ezvematongerwo enyika ari kuwaniswa mikana yakaenzana pakuzvishambadza. Kunonoka kwavo kunoreva kuti pane zvizhinji zvavasina kuona.”
Asi mumwe muongorori wezvematongerwo enyika VaGibson Nyikadzino vati Zimbabwe yagona chose kukoka wose anoda kuongorora sarudzo
“Zvinoratidzawo kuti Zimbabwe iri kukura munyaya dzesarudzo dzejekerere nekuti pane mamwe masangano akaita seEuropean Union anga akambomira kuuya kuzowongorora sarudzo muno, asi muna 2018 takavaona, uye gore rino variko zvekare.”
Mamwe masangano emubatanidzwa dzenyika ari kutarisirwa kuuya kuzowongorora sarudzo dzemuno, anosanganisira reAfrican Union, riri kutarisirwa kupinda munyika musi weMugovera uno, kozoti sangano raana sorojena vemuAfrica, rinonzi Panel of the Wise, riri kutarisirwa kupinda munyika musi wa21 Nyamavhuvhu.
Parizvino, sangano reEuropean Union, ndiro rega remamwe masangano makuru, rakatotanga basa rekuongorora sarudzo dzemuno, sezvo rakatanga mwedzi wadarika.
Your browser doesn’t support HTML5