Apo kwasara mazuva mashanu kuti nyika iyende kusarudzo dzegore rino, vebato reZanu PF nevebato CCC vari kukandirana makobvu nematete nezvesarudzo idzi mapato ose achizviti ndiwo achakunda musarudzo idzi.
Vachitaura nevatori venhau nhasi pamuzinda webato ravo muguta reHarare, mutauriri weZanu PF, VaChristopher Mutsvangwa vati bato reCCC harina kugadzirira zvakakwana , naizvozvo riri kutya kupinda musarudzo vhiki rinouya.
VaMutsvangwa varamba kuti pane mukana wekuti bato ravo ringakundwa nereCCC musarudzo dzemutungamiri wenyika. Vati, '"Munhoroondo yedu sebato rakavambwa muna 1963, hatisati tambodyiwa, tiri vekungokunda chete. " Vaenderera mberi vachiti, "Tinorwisa zvakasimba kuti tisakundwa, ndiko saka tiri kushanda nemazvo kuti tikunde musarudzo dziri kuuya. Mupfungwa dzedu hamuna mufungo wekukundwa zvachose; tinovimba kuti tichakunda zvine mutsindo.”
Panyaya yegwaro revavhoti, VaMutsvangwa harina kukosha kuti vanopikisa varipihwe sezvo veruzhinji vachikwanisa kushandisa mbozhanare dzavo kuona kuti vari mugwaro revavhoti here. VaMutsvangwa vati, “Nguva dzashanduka, hakuchisina kunzi tipei gwaro tirione, makabata mumaoko."
Vatizve, "Vanhu vari kukwanisa kuona vega kwavakanyoresera kuvhota, saka veCCC varikuda voters roll rei? Ngavasade kungopomera ZEC mhosva yaisina, vachida kuti vawongorori vesarudzo vari munyika, vaone sekuti nyaya yesarudz haisi kufambiswa zvakanaka.”
Asi mutauriri webato reCitizens Coalition for Change, Muzvare Fadzai Mahere, vati kuramba kwaVaMutsvangwa kuti bato ravo reZanu PF rinogona kukundwa musarudzo, zvinoreva kuti bato iri rinoda kuramba richitonga kunyange rikadyiwa.
“Sebato tinozviziva kuti Zanu PF haikwanisi kukunda musarudzo dzakachena, ndiko saka vachimbunyikidza nekuuraya vatsigiri vedu." Muzvare Mahere vaudza Studio 7.
Vaenderera mberi vachiti, " Saka hazvtishamisi kuti VaMutsvangwa vati hazvigoni kuti vakundwe nesu. Asi tiri kuvayambira vakuru veZanu PF kuti kana tavakunda musi wa 23, varemekedze zvido zvevanhu, uyewo bumbiro remitemo.”
Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaElton Ziki, vati CCC iri kurova bembera kuri sarudzo hadzina kumira zvakanaka nekuti haina kugadzirira zvakakwana. VaZiki vati, “Sezvo tasarirwa nemazuva mashoma kuti tiende kusarudzo, veCCC vanofanira kuzvitarisa kuti vakagadzirira zvakadii kuenda kusarudzo, kwete kuti vatange kunongedzera mapazi ehurumende anowongorora kuti sarudzo idzi dzaitwa pamutemo here.”
Asi vanoongororawo nyaya dzezvematongerwo enyika VaRashweat Mukundu vati Zanu-PF haifanire kuita seiri kuda kurambira pachigaro kunyangwe ikakundwa nekuti hazviratidze hutongo hwejekerere. VaMukundu vati, “Izvi zvinoreva kuti kuitwa kwesarudzo muZimbabwe kutandanisana nemhepo nekuti bato reZanu PF harioni richikundwa musarudzo, rinozviona sekunge rakadzikwa naMwari kuti ritonge nyika sezvo rakanga riripo pakusunungura nyika kubva muhudzvanyiriri hwevarungu." Vatiwo, " Izvozvo zvinoita kuti vazvikudze nekuzvitutumadza zvinopfurikidza mirairo yenyika inoti hutongi hunobva kuvanhu.”
VaMutsvangwa vashorawo zvikuru maitiro ebato reCCC, vachiti vari kuda kuti masangano ari munyika akauya kuzoongorora sarudzo, aone sekuti zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka munyaya yesarudzo.
Asi veCCC, vanoti hukama huri pakati peZanu PF nesangano reZEC, mapurisa, matare edzimhosva uye ZBC, hunoratidza kuti masangano aya anotsigira bato riri kutonga, zvinoita kuti nhandare yesarudzo isayenzana.
Your browser doesn’t support HTML5