Kunyange hazvo vatori venhau veVoice of America vari muZimbabwe nechakare vachikwanisa kunyora nezvesarudzo dzenyika iyi dziri kuuya neChitatu chinouya, vamwe vatori venhau vemasangano enhau ekunze kwenyika, kusanganisira vatori venhau vaviri veVoice of America muWashington D.C., vakanyimwa mvumo yekuti vaende kunotora nhau dzesarudzo vari muZimbabwe.
Vakafanobata chigaro chemukuru weVOA, Amai Yolanda Lopez, vati vanoshushikana zvikuru nekunzwa kuti vamwe vavo mubasa rekutapwa kwenhau vekunze kwenyika vakawanda vakanyimwawo mukana wekuenda kuZimbabwe pamberi pesarudzo dziri kuuya idzi.
Vati pasina kuburitswa kwenhau dzechokwadi, vana veZimbabwe vachanyimwa mukana wekuwana nhau dzakakosha apo vatarisana nesarudzo.
Amai Lopez vati VOA inokurudzira vakuru vese muhurumende kuti vaone kuti masangano enhau ose anoda kutora nhau dzesarudzo muZimbabwe awana mukana uyu akasununguka.
Bazi rezvekuburitswa kwemashoko harina zvikonzero zvarakapa patsamba yekuzivisa nezvedanho rekunyima vatori venhau veVOA ava mvumo.
Tsamba yeVOA yekukumbira mvumo yakatumirwa kubazi rezvekuburitswa kwemashoko musi wa30 Chikumi, 2023.