Nhengo dzebato reCitizens' Coalition for Change, CCC, nhasi dzafamba mudzimba pamwe nekushandisa dzimotokari mumigwagwa muBulawayo kutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzegore rino idzo dziriko neChitatu svondo rinouya.
NeSvondo mutungamiri webato iri, VaNelson Chamisa, vari kutarisirwa kuita musangano mukuru nevatsigiri vavo munhandare yeWhite City makare muBulawayo, apo vari kutarisirwa kutsvagira bato ravo rutsigiro pamberi pesarudzo dzemusi weChitatu.
Vakafanobata chigaro chemutewedzeri wemutauriri weCCC uye vari kukwikwidza vakamirira bato iri kuPelandaba/Tshabalala musarudzo dzeparamende, VaGift Ostalos Siziba, vaudza mutori wenhau weStudio 7 Annahstacia Ndlovu, kuti vari kukoka vanhu vose vemmuBulawayo kuti vabude venede kumusangano uyu vanzwe zvichataurwa naVaChamisa.
"VaChamisa vachange varipo vachiparura hurongwa, national agenda, yekuti ndezvipi zvatiri kuda kugadzirisa. Nyaya dzema title deeds, nyaya dzekugadzirisa ma salaries ema civil servants, nyaya dzekuchinja hupfumi kuti hubhenefite vana veZimbabwe," vanodaro vaSiziba.
Vanotiwo musangano uyu uchashandiswawo kuzivisa nhengo dzebato dzichakwikwidza mumatunhu ose emuBulawayo muzvigaro zvakasiyanasiyana.
Your browser doesn’t support HTML5