Vatsigiri vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change vanoti kuMasvingo kunzvimbo dzakaita se kuBikita, Gutu nekwaChivi kwaberekera ingwe sezvo vari kurohwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF vachinzi vazive pekuvhotera nemusi weChitatu. Asi veZanu-PF vari kuti vari kuzorwa mafuta enguruve yavaina kudya.
Bato reTripple C rinoti nhengo dzaro sere dzakarohwa nezuro manheru kuBikita, mumwechete kwaChivi uye nhanhatu kwaGutu munyaya dzarinoti dzine chekuita nezvematongerwo enyika.
KuBikita, VaRobert Mukuwe naVaTasarira Masadza vakasvikirwa pazvitoro zvavo paNyika vakarohwa zvakaipisisa nevanonzi vatsigiri veZanuPF vaive nemotokari dzebato iri.
VaMasadza avo vakabva mazino vati vamwewo vatsigiri vanomwe vakarohwawo uye vakamhan’ara nyaya kumapurisa epaBikita.
KuGutu South, kanzura weCC weward 37 weCCC VaJefrey Tangemhare vanoti ivo nevamwe vavo vashanu vari kugara mumakomo mushure mekurohwa nekudzingirirwa nevatsigiri venhengo iri kumirira Zanu PF musarudzo dzenhengo dzedare reparamende VaPupurai Togarepi.
Vari kumiririra Tripple CCC kuChivi Central VaPeter Makotose vanoti imwe nhengo yavo , VaEdmore Mapamura vakamanikidzwa kuenda muhupoteri mushure mekurohwa zvakaipisisa nevanofungidzirwa kuti tsigiri veZanu PF avo vakavanongedzera pfuti mumusoro nezuro.
Asi VaTogarepi varamba mhosva yavari kupomerwa. Mutauriri weZanu PF muMasvingo, VaPepukai Chiwewe, vatwo bato ravo hariiti zvemhirizhonga.
Asi munyori mubazi rezvesarudzo muCCC muMasvingo VaGodfrey Madzikanda vanoti mhrizhonga haisi kuzotadzisa vatsigiri vavo kuvhotera shanduko musi weChitatu.
Mutauriri wemapurisa muMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa vati havasati vanzwa nezvenyaya idzi.
Vesangano rinorwira kodzero dzevanhu reCommunmity Tolerance and Reconciliation Development(COTRAD), vanoti dunhu reMasvingo ndiro rine nyaya dzemhirizhonga dzakawandisa kudarika mamwe musarudzo dzegore rino.
Your browser doesn’t support HTML5