Zvabuda musarudzo kusvika pari zvino zvaburitswa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, zvinoratidza kuti Zanu PF yave nezvigaro zvinodarika zana nemakumi matatu zvenhengo dzeparamende zvakahwinha, ukuwo CCC ichiwana zvigaro zvinodarikawo makumi matanhatu.
ZEC ichiri kutarisirwa kuzivisa zvasara kubva kune mamwe matunhu.
Zanu PF iri kutungamira mushure mekukohwa pakuru kumaruwa, zvikuru mumatunhu akaita seMashonaland East, Mashonaland Central, Mashonaland West, neMasvingo, CCC ichikundawo zvine mutsindo muHarare, Bulawayo neMatabeleland North, uye ichipindawo mune mamwe matunhu atungamirwa neZanu PF mayanhonga zvigaro.
Zanu PF inoratidza kurti yakundawo zvine mutsindo musarudzo dzemakanzuru ekumaruwa, ukuwo CCC ichikundawo zvine mutsindo mumakanzuru emukaguta nemadhorobha.
Pataenda pamhepo, CCC yanga yawana zvigaro makumi maviri nezvishanu muHarare, Zanu PF ichiwana zvigaro zvitatu asi kwanga kuchine matunhu maviri anga asati azivisa.
Muna 2018, Zanu PF yakawana chigaro chimwechete chete muHarare pazvigaro makumi maviri nezvipfumbamwe zvakarwirwa, zvimwe zvose zvakaenda MDC-A.
Mudunhu reBulawayo, CCC yakawana zvigaro zvose gumi nezviviri, Zanu PF isina chigaro chayakawana. KuMasvingo Zanu PF yanga yave nezvigaro makumi maviri nezvitatu, CCC ichiwana zviviri chete.
Mudunhu reMashonaland Central, pataenda pamhepo Zanu PF yanga yaunganidza zvigaro zveparamende gumi nezvitatu, kuchitiwo CCC isato yawana chinhu.
Mudunhu reMashonaland West Zanu PF yanga yave nezvigaro gumi nezvitanhatu, CCC zvitanhatu, kuchitow kuMidlands Zanu PF yanga yawana zvigaro zvishanu, CCC iine zvitatu asi zvabuda mumatunhu makumi maviri zvanga zvisati zvaziviswa.
Kudunhu reMatebeleland North Zanu PF yanga yave znezvigaro zvitatu, CCC ichiwana zvinomwe, matunhu matatu asati aziviswa. Mudunhu reMatebeleland South, Zanu PF yanga yawana zvigaro zvisere,CCC iine zvina.
KuMashonaland East ZANU PF yanga yave nezvigaro gumi nezvipfumbamwe, CCC ine zvigaro zvina, kuchitiwo kudunhu reManicaland Zanu PF ichiwana zvigaro gumi nechimwechete, CCC iine zvigaro zvina.
Nyanzvi yezvematongerwo enyika vachidzidzisa ku Chikoro che Tswaane University of Technology, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza, vanoti mafambiro ari kuita sarudzo nezviri kubuda kumatunhu haavashamisi, hapana musiyano nemakore ekumashure.
Vanotiwo zviri kunyorwa nevbamwe vakuru vemapato ezvematongerwo enyika mumadandemutande zvinotaridza kuti havasi kuona kuri kuenda mhepo nekuti zvave pachena kuti ari kuhwina ndiyani.
Dare reparamende rine zvigaro mazana maviri negumi, (210).
Your browser doesn’t support HTML5